Accessibility links

Breaking News

VaMutodi Vanodzingwa Basa naVaMnangagwa


Energy Mutodi
Energy Mutodi

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa basa mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi.

Muchiziviso chaburitswa nehofisi yaVaMnangagwa, VaMutodi vamiswa basa pasi pechikamu che Section 108 (1a) chebumbiro remitemo yenyika.

Mutemo uyu hautaure zvakawanda kunze kwekuti chigaro chegurukota kana chemutevedzeri wegurukota chinenge chisisina munhu kana mutungamiri wenyika abvisa munhu wacho pachigaro ichi.

Kumiswa basa kwaVaMutodi kwatanga neChitatu kunyange hazvo vaswera vari kuHeroes Acre uko kwanga kuchivigwa gamba renyika..

VaMutodi vaswera vachitumira mashoko nemavhidhiyo paTwitter yavo vachirumbidza basa ranga richiitwa naVaMnangagwa pakuradzika nhengo yeZanu PF, Va Absolom Sikhosana, kumarinda eHeroes Acre muHarare.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMutodi kuti vanoti kudii nekusiyiswa basa kwavaitwa.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kumunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vasiri kupindura mibvunzo yeStudio7 mazuva ano.

VaMutodi vagara vachinetsana pamwe nekuzvidza gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe nemurume wavo, VaChris Mutsvangwa.

Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing
Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing

Svondo rapera, VaMutodi vakaburitsa mashoko pa Twitter vachizvidza VaMutsvangwa vakatiwo nyika ichagara ichitya mushandira pamwe uri pakati pegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo naVaMutsvangwa.

Mashoko aya akatevera mashoko akanga aburitswa neZBC ichitauta zvainge zvataurwa naVaMoyo zvekuti mashoko akanga aburitswa naVaMutodi panyaya yemutungamiri weTanzania, aive asina kumirira hurumende asi kuti aive mashoko epfungwa dzavo VaMutodi.

VaMutodi vakabva vatanga kushoropodza ZBC vachiti yaishandiswa naAmai Mutsvangwa nemurume wavo.

Asi VaMnangagwa havana kubuda pachena vachitsuura zvakange zvichitaurwa naVaMutodi, avo vakambokonzeresa mutauro munguva yaVaRobert Mugabe, vabuda zvakare pa social media vaina VaMnangagwa vakabata kapu yainge yakanyorwa kuti "I am the boss".

VaMnangagwa havasati vazivisa kuti VaMutodi vachatsiviwa nani, uye hazvisati zvajeka kuti chii chapa kuti VaMnangagwa vadzinge munhu anozivikanwa kuti mutsigiri wavo nguva dzose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG