Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa Vanoshoropodza Mhirizhonga, Kuparadzwa kweMidziyo


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati mhirizhonga, kuparadzwa kwemidziyo pamwe nekuita kuti nyika isatongeke hazviunze hutongo hwejekerere munyika.

Vachitaura kumarinda eNational Heroes’ Acre pakuvigwa kwegamba renyika, mushakabvu Brigadier-General Ruphus Chigudu neMuvhuro masikati, VaMnangagwa vashoropodzawo kukwira kwekuparwa kwedzimhosva pachishandiswa zvombo, pamwewo nenyaya dzekuurayiwa kwevana vadiki zvine chekuita nemishonga.

Mutungamiri wenyika vati nekuda kwekuwanda kwenyaya idzi, vatuma vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika kuti vaone kuti kushandiswa kwezvombo mukuparwa kwedzimhosva pamwe nekuurayiwa kwevana vadiki zvamiswa.

VaMnangagwa vabato nyaya yevhu vachiti zvinofadza kuti ivhu rave mumaoko evanhu, asi vakurudzirawo kuti ivhu iroro rishandiswe zvine pundutso zvekuwanisa nyika chikafu.

Vakurudzirawo veruzhinji kuti varambe vachichengetedza mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, vachiti kuvhota pamwe nehutongo hwejekerere zvinowanikwa chete nevanhu vapenyu, kwete nevarwere.

Brigadier General Chigudu vakashaya musi wa 24 Gunyana mushure mekurwara nechirwere cheshuga kwenguva ndefu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti vanowirirana naVaMnangagwa panyaya yekuti munyika musave nemhirizhonga, asi vanokurudzira hurumende kuti isave iyo iri pamberi mukukonzera mhirizhonga iyi munyika.

VaNgwenya vanoti kazhinji hurumende inotarisa kuti munhu abuda mumba maani kana dziri nyaya dzekuratidzira zvine runyararo, izvo zvinoita kuti ionekqwe ichibvumidza chete vanobva kubato reZanu PF, asi ichitumira mauto kana vanpopikisa hurumende vakapindawo mumigwagwa vachiratidzira.

Panyaya yekukwira kwekuparwa kwedzimhosva pachishandiswa zvombo uyewo kuurayiwa kwevana vadiki zvine chekuita nemishonga, VaNgwenya vanoti zvinodzoka zvakare kuhurumende kuti kukundikana kwayo kugadzirisa hupfumi hwenyika ndiko kunopedzisira kwatuma vanhu kuba pamwe nekuchekeresa vana senzira yekutsvaga kurarama.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG