Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodoma Makurukota Matsva Anotsiva Vakashaya Mwedzi Wapera


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakadoma vanga vari mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, VaFrederick Shava, kuti vave gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, kuchitiwo VaFelix Tapiwa Mhona, kuti vave gurukota rezvekutakurwa kwezvunhu.

Amai Nokhutula Matsikenyere, avo vanove mumiriri weChimanimani West, vakadomwawo kuti vave gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland.

VaShava vakadomwa kuti vatore chigaro chakasiiwa nevaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vakashaya mwedzi wapera.

VaMhona vakatora chigaro chakasiiwa naVaJoel Biggie Matiza, avo vakashayawo zvakare, kuchitiwo Amai Matsikenyere vachitorawo chigaro chakasiiwa namushakabvu Amai Ellen Gwaradzimba, avo vakashayawo zvakare mwedzi wapera.

Vaimbove mutori wenhau, uye vari mumiriri weMakonde muparamende, VaKindness Paradza, vakadomwawo kuti vave mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, chigaro chakasiiwa naVaEnergy Mutodi, avo vakadzingwa basa gore rapera.

VaMichael Madiro vakadomwa kuti vave mutedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, vachibva kubazi rezvemukati menyika uko vanga vari mutevedzeri wegurukota zvakare.

Mumiriri weBeitbridge West, Amai Ruth Mavhunga-Maboyi, vakadomwa kuve mutevedzeri wegurukota rezvemukati munyika, chigaro chakasiiwa naVaMadiro.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanoti kudomwa kwaVaShava kuti vatungamire bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika hakuna zvikuru zvakunobatsira mukugadzirisa chimiro cheZimbabwe mumaziso edzimwe nyika nekuda kwekumbopomerwa kwavo mhosva dzehuwori panyaya yekutengwa kwemotokari kukambani yeWillowvale Motor Industry muna 1988.

Muna 1989 VaShava vakazowanikwa vaine mhosva yekunyepa vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe, asi vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazovaregerera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG