Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanozivisa nezveMitemo Mitsva yeKudzivirira COVID-19


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa neChipiri nezvemitemo mitsva inobata denda reCovid-19.

Mitemo iyi inosanganisira wekuti kubva izvozvi vose vana veZimbabwe vari kudzoka munyika vanofanirwa kunge vachivhenekwa pachishandiswa michina yePCR uye vachagariswa kwavo voga vachizvibhadharira mari dzavo, kwemazuva anenge akurudzirwa neWorld Health Organisation, WHO.

Mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu uchasimbiswawo kuti utange kubva nenguva dzepfumbamwe manheru kusvika nenguva dzenhanhatu mangwanani ruva rinotevera.

Huwandu hwevanhu vachange vachibvumidzwa kuungana pagungano ripi zvaro hunofanirwa kucherechedzwa uye huchienderana nemutemo weWHO. Mutungamiri wenyika vazivisawo kuti vezvitoro vave kusungirwa kuvhura nenguva dzenomwe mangwanani vachivhara nenguva dzenomwe manheru.

Nzvimbo dzekutandarira usiku nedzekunwira dzinonzi dzinosungirwa kubvumidza kupinda vanenge vaine humbowo hwekuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira COVID-19 uye nzvimbo dzekudyira dzinenge dzosungirwawo kuvhara nenguva dzinovhara vezvitoro dzenomwe manheru.

Ndufu dzine chekuita nedenda reCOVID-19 dzichange dzichisungirwa kutungamirwa nenyanzvi dzezvehutano dzinobva kubazi rezvehutano. Komiti inotungamira kurwiswa kwedenda reCOVID-19 munyika, yeCOVID-19 National Committee, yatara hutachiwana hutsva hwe Omicron, sechishusho sezvakatarwawo neWHO.

Nyika inonzi ichangewo yawedzera kuvhenekwa kweCOVID-19 munzvimbo dzose dzekupinda nadzo munyika pamwe nekusimbisa miganho yayo.

Vose vanokodzera kunge vachibaiwa nhomba yekudzivirira COVID-19 vari kukurudzirwa kuti vange vachibaiwa senzira yekuderedza dambudziko redenda iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG