Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Vanosangana naVaMnangagwa muHarare


VaCyril Ramaphosa
VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri we South Africa, Va Cyril Ramaphosa, vasvika muZimbabwe neMugovera kuzoita hurukuro nemumwe wavo, mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa.

Vasati vaenda kuZimbabwe, VaRamaphosa, avo vanova sachigaro weSADC, vasanganawo nemutungamiri we Mozambique muMaputo, VaFilipe Nyusi, vakakurukura nyaya dzine chekuita nekudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Musangano waVa Ramaphosa naVa Mnangagwa wakanangana nekusimbaradza hukama hwe Zimbabwe ne South Africa, uho hwakatanga munguva iyo nyika mbiri idzi dzairwira kuzvitonga kuzere.

Mutauriri waVaRamaphosa, VaKhusela Diko, vati Zimbabwe neSouth Africa dzine nhoroondo yakareba, uhwo hwakatanga nyika mbiri idzi dzisati dzave nekuzvitonga.

VaRamaphosa naVaMnangagwa vakurukura mamiriro akaita zvinhu munyika dzavo, pamwe nezviri kuitika kuchamhembe kweAfrica pamwe nepasi rose zvinobata nyika dzavo.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekuita hurukuro naVaMnangagwa, VaRamaphosa vati rwendo rwavo rwanga rwuri rwekuuya kuzoona mumwe wavo.

Vatiwo vakurukura pamusoro pezvinhu zvakakoshera Zimbabwe neSouth Africa munyaya dzehupfumi uye nzira dzekuvandudza hupfumi hwenyika mbiri idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG