Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vonanga kuAddis Ababa Vachibva kuDavos


Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotarisirwa kunanga ku Ethiopia kumusangano we African Union mushure mekusangana nemutungamiri we Switzerland, VaAlain Berset.

Pamusangano wavaita neChina, VaBerset vanonzi vaudza VaMnangagwa kuti kuchinja kwakaitika muZimbabwe gore rapera kwakanakira Zimbabwe uye vakavimbisawo kuti Switzerland icharamba ichitsigira Zimbabwe.

Musangano weWorld Economic Forum uri kupera mangwana, asi VaMnangagwa vanofanirwa kunge vari mu Addis Ababa kuti vapinde mumusangano we African Union neMugovera.

Vasati vasimuka kubva muDavos, VaMnangagwa vaitawo musangano nemukuru weInternational Monetary Fund (IMF), Amai Christine Lagarde.

Amai Lagarde varumbidza kuzvipira kwaVaMnangagwa mukugadzirisa nyaya yehupfumi muZimbabwe uye kuedza kwavo kuti nyika itange kudyidzana nedzimwe nyika zvekare.

Amai Lagarde vaudza VaMnangagwa kuti IMF inozvipira kuramba ichibatsira Zimbabwe mukuedza kwayo kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hapana chakaipa kuna VaMnangagwa pakuenda kwavo kune dzimwe nyika kunotsvaga rubatsiro.

Asi Doctor Kanyenze vanoti VaMnangagwa vanofanira kutanga vagara pasi nevanhu vose vemuZimbabwe vane ruzivo, votsvaga nzira dzekuita hurukuro nevanoda kudyara mari dzavo muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG