Accessibility links

Breaking News

VaEnergy Mutodi Vanodzingwa Basa Muhurumende yaVaMnangagwa


Vaimbove mutevedzeri wegurukota re zvekubudiswa kwemashoko, Energy Mutodi
Vaimbove mutevedzeri wegurukota re zvekubudiswa kwemashoko, Energy Mutodi

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vadzingwa basa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. Munyori muhofisi yemutungamiri wenyika, Doctor Misheck Sibanda, vakazivisa kuti mutungamiri wenyika vadzinga basa VaMutodi.

Svondo rapera, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakabuda panhepfenyuro yeZBC vachiti mashoko akange ataurwa naVaMutodi akange asingamiriri kana kuratidza pfungwa dzehurumende yeZimbabwe.

VaMutodi vakange vashora mutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli, pamusoro pemabatiro ari kuita nyika iyi chirwere cheCovid-19.

Mushure memashoko aVaMoyo, VaMutodi vakabva vashora gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe chete nemurume wavo, VaChris Mutsvangwa, vachivapomera mhosva yekushandisa nhepfenyuro yeZBC nenzira isina kunaka.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti VaMutodi vakadenha mago pavakazvidza VaMoyo naVaMutsvangwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG