Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodzinga Gurukota reMhando dzeMoto, VaFortune Chasi, Vachiti Vatadza Kuita Basa Ravo


Peace Talks Fortune Chasi
Peace Talks Fortune Chasi

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadzinga basa vanga vari gurukota rinoona nezvemando dzemoto, VaFortune Chasi, vachiti havasi kuita basa ravo sezvavanga vachitarisira.

Mumagwaro abudiswa nemunyori mukuru mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, VaMnangagwa vati vamisa VaChasi basa nekuti vange vasisiri kubata basa ravo sezvinotarisirwa nehurumende.

VaMnangagwa vadoma mumiriri weMuzarabani North mudare reparamende, VaSoda Zhemu, segurukota idzva rezvemhando dzemoto.

Kudzingwa basa kwaVaChasi kunoteverawo kumbomiswa basa kwakaitwa sachigaro webhodhi reZESA, VaSydney Gata, pamwe nenhengo dzese dzebhodhi reZesa vachipomerwa nyaya dzehuori.

Pavakabvisa bhodhi reZesa, VaMnangagwa vakati komishini inoona nezvehuori iongorore nyaya dzehuori mukambani yeZesa.

Panga paine kutatsurana pakati paVaGata naVaChasi. VaChasi vakambenge vambomisa VaGata basa avo vakaramba kutambira izvi vachiti mutungamiriri wenyika akavadoma pabasa iri, ndivo voga vaigona kuvamisa basa.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati vakatyamadzwa nekumiswa basa kwaVaChasi vachiti vange vachivaona semunhu anga ari kugona basa.

Vatiwo vanoona sekuti VaChasi vagurisirwa panzira basa rekuedza kugadzirisa huori kukambani yeZESA.

Mumwe mutori wenhau webepa repadandemutande reZimbabwe Morning Post, Elias Mambo, uyo akanyora nyaya dzakawanda dzehuori kukambani yeZESA, atiwo anoona sekuti hurumende yarasikirwa nekumisa VaChasi basa.

Mambo ati kunetsana kwaVaChasi naVaGata munyaya yekuedza kupedza huori kunogona kuve kwakonzera kumiswa kwavo basa.

Vamwewo pamadandemutande akasiyana siyana vatiwo havanzwisisi kuti sei VaChasi vamiswa basa vachiti zvinhu zvange zvave nani munyaya dzekuwanikwa kwemagetsi kwemagetsi munyika.

Asi mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, VaJoy Mabhenge, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo zvisina kujeka mumagwaro ehurumende kuti sei VaChasi vamiswa basa, vati kana zviine chekuita nekurwisa huori hapana chakaipa.

VaMnangagwa vadomawo Dr Anxious Jongwe Masuka kuti vave gurukota rezvekurima mushure mekufa neCOVID-19 kwaVaPerrence Shiri mwedzi wapera.

VaMasuka vange vari mukuru we Zimbabwe Agricultural Society, uye vanzi vane hunyanzvi munyaya dzekurima zvichitevera kushanda kwavakaita muzvinzvimbo zvakasiyana siyana zvinosanganisira kurimwa kwefodya.

VaChasi vava gurukota rechitatu kudzingwa basa naVaMnangagwa zvichitevera kudzingwa basa kwaVaObadiah Moyo mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori, uye Amai Prisca Mupfumira gore rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG