Mutungamiri wenyika, uye varizve mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vatadza kuenda kumusangano wavo kuMt Darwin nezvikonzero zvine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika masvondo maviri apfuura.
Vachichingamidza munyarikani pamusangano waitirwa paMrt Darwin Secondary School, VaKembo Mohadi, sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vati VaMnangagwa vakundikana kuuya sezvo vari kutambira vaenzi vari kuda kuziva zvakaitika munyika munguva yemhirizhonga.
VaMohadi, avo vanova mumwe wevatevedzeri waVaMnangagwa mubato nemuhurumende, vatsinhirawo mashoko aAmai Muchinguri Kashiri vachiti VaMnangagwa vane zvavabata zvaita kuti vatadze kuuya kumusangano.
VaMohadi vatuka masangano akazvimirira oga vachiti ndiwo ari kukonzeresa kusagadzikana munyika sezvo ari kutumwa nenyika dzinoapa mari.
Kusaonekwa kwaVaMnangangwa pamusangano uyu kwagumbura nhengo dzebato ravo idzo dzaswera dzichitsva nezuva dzakavamirira.
Musangano wekutenda uyu ndewechipiri kuitwa nebato reZanu PF richitenda nhengo dzaro nekurivhotera kuti rikunde.
Facebook Forum