Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanowedzera neMakore Mashanu Nguva yaVaMalaba Vari Muhofisi


Chief Justice Luke Malaba

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vawedzera nemakore mashanu nguva yemukuru wevatongi vematare edzimhosva, ChiefJustice Luke Malaba, kuitira kuti varambe vari pabasa ravo.

VaMnangagwa vashandisa mutemo wakavandudza bumbiro remitemo yenyika svondo rapera mukuwedzera nguva yaVaMalaba vari pabasa.

VaMalaba vange vakatarisirwa kuenda pamudyandigere nemusi weChishanu apo vaisvitsa makore makumi manomwe ekuberekwa.

Munyori muhofisi yemutungamiri wenyika nedare remakurukota, Dr Misheck Sibanda, ndivo vazivisa VaMalaba zviri pamutemo kuti nguva yavo yekushanda yawedzerwa nemakore mashanu naVaMnangagwa.

VaMnangagwa vawedzera nguva yaVaMalaba panguva iyo paine nyaya dzakawanda dziri kumatare dzichipikisa mutemo weConstitutional Amendment Number 2 Act uyo washandiswa naVaMnangagwa kuwedzera nguva VaMalaba vari pabasa.

Gweta rinorwira kodzera dzevanhu, VaMarufu Mandevera, vati zvaitika izvi zvinoratidza kuti hurumende hairemekedzi mutemo nematare.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Righs NGO Forum, Dr Musa Kika, vakakwira kudare reHigh Court nemusi weMuvhuro nechikumbiro chekuti vatongi vematare eConstitutional Court neSupreme Court havafaniri kuwedzerwa nguva ari pabasa kana vachinge vasvika makore makumi manomwe ekuberekwa zvichetevera kusandurwa kwebumbiro remutemo wenyika pasi peConstitutional Amendment Number 2 Act.

Pasi pemutemo uyu, mutungamiriri wenyika anobvumirwa kuwedzera nguva yevatongi kana vasvika makore makumi manomwe kana vachinge vaburitsa gwaro kubva kuna chiremba rinoratidza kuti vanenge vakasimba zvekuramba vachishanda.

Dr Kika vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nhasi hazvishandure nyaya yavo iri kumatare vachiti ndizvo zvavari kupikisa.

Rimwe remagweta avo, Advocate Wilbert Mandinde, vaudza Studio 7 kuti zvaitika izvi kutyora bumbiro remitemo yenyika.

Mumagwaro avo, VaKika vanoda kuti gurukota rezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi nevatongi vese Constitutional Court neSupreme Court, gumi nevatanhatu, vapindure nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kunzwa ndive remagweta aVaZiyambi Ziyambi nevatongi panyaya iyi.

Asi Advocate Mandinde vati ivo nemagweta aya pamwe nedare vabvumirana kuti nyaya iyi ichanzikwa nemusi weChishanu masikati nevatongi veHigh Court vanoti Justice Helena Charehwa, Justice Hapias Zhou naJustice Esther Muremba.

VaKika vanoti VaMalaba vanofanira kusiya basa nemusi weChishanu apo vanosvitsa makore makumi manomwe ekuzvarwa, uye mutevedzeri wavo, Justice Elizabetha Gwaunza, vabve vatora chinzvimbo chavo.

Zvichakadai mutungamiriri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vashora kushandurwa kwebumbiro remitemo vachiti nekuita izvi, Zanu PF yakaputsa chirangano chayakaita navo pasi pehurongwa hwePolitical Actors Dialogue.

Vati kunyange hazvo vari kutsigira zvese zviri kuitwa nevanhu nemasangano akasiyana siyana kupikisa kushandurwa kwebumbiro, zvakaita sekuenda kumatare, bato ravo richakurudzira vana veZimbabwekuti varange Zanu PF nekusaivhotera musarudzo dza2023.

Vati zvisinei nekuti vakarasiswa neZanu PF pakusandurwa kwebumbiro remitemo, vacharamba vari muPolad umo vati vari kuronga kusandura mutemo wesarudzo kuitira kuti urerukire mapato ese munyika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi, vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG