Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Votarisirwa Kuzivisa nezveMatanho Matsva eLockdown


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa neMuvhuro uno kuzivisa nezvematanho matsva achateverwa nenyika munguva ino yeCovid-19, zvichitevera kusvika kumagumo kwemutemo weLevel 4 Lockdown wavakazivisa masvondo maviri adarika.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nezvematanho achaita kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hurambe huchidzirira, panguva imwecheteyo hupfumi hwenyika huchifambira mberi kuburikidza nekuvhurwa zvekare kwemabhizimusi.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland uye vakambova mukuru weChipatara cheChitungwiza Dr. Enoch Mayida, vanoti vari kukurudzira VaMnangagwa kuti vatarisisewo nyaya yekuti vanhu vanodawo kurarama, kunyangwe hazvo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti VaMnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nyika kuti nyaya yekuti vanhu vagare mudzimba, kana kuti Lockdown, yoenderera mberi here kana kuti kwete.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nekufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiderera munyika, panguva iyo vanhu vave kubaiwawo nhomba yekudzivirira denda iri yakabva kuChina.

Hurukuro naDr. Enock Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zvehupfumi, vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti vanotarisira kuti mutungamiri wenyika vachanyevenutsa mutemo unobata nyaya dzezvehupfumi kuitira kuti nyika isarambe yakamira nekuda kwedenda iri.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti hapana kana munhu mumwechete akafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose.

Bazi iri rinotiwo vanhu makumi matatu nemumwe, kana kuti 31, vakawanikwa vaine chirwere ichi nyika yose pavanhu mazana mapfumbamwe negumi nevana, kana kuti 914, vakavhenekwa nyika yose.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose hwave pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine makumi masere nevanomwe, kana kuti 36 089.

Huwandu hwevanhu vashaya hwakaramba huri pachiuru chimwe nemazana mana ane makumi matanhatu nevatatu, kana kuti 1 463.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG