Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana kweMapato eMatongerwo eNyika Mukugadzirisa Zviri Kunetsa Munyika


Churches - Prayer meeting
Churches - Prayer meeting

Vedzisvondo vaungana muHarare vachinamatira matambudziko akatarisana ,ukuwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzirawo kuti pave nekubatana pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Vemakereke ari pasi pesangano reZimbabwe Indigenous Inter-Denominational Council of Churches vaungana munhandare yeNational Sports Stadium vachinamatira nyika kuti matambudziko ose ayakatarisana nawo apere.

Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira kuti mapato ose ezvematongerwo enyika abatane kuitira kuti agadzirise matambudziko ari kunetsa munyika.

Reverend Andrew Utaunashe vesvondo yeFamily of God vatsinhirawo zvataurwa naVaMnangagwa.

Reverend Abel Sande vechechi yeAmbassadors for Christ Ministries International vati chakakosha ndechekuti vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika varegererane zvavakatadzirana kana vachida kuti nyika iende mberi.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLuke Tamborinyoka, vanoti havana kukokwa kumusangano uyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumamwe mapato ezvematongerwo enyika kana akakokwawo kumusangano uyu.

VaMnangagwa vakurudzirawo vari mudzisvondo pamwe neveruzhinji kuti varime zvakasimba kuitira kuti nyika ive nemaguta vachiti vachiti nyika haingararame nekupemha chikafu nguva dzose.

Vamwe vatungamiri vedzisvondo vanga vari pamusangano uyu vanga vachsianganisira VaEmmanuel Makandiwa naVaNehemiah Mutendi nevamwe.

Munatamato uyu waitwa pasi pedingindira rinoti “Joining hands, minds, hearts and voices together in Christ to save, build and strengthen our nation."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti musangano wemachechi uyu hauna kukoka VaChamisa sezvawaita VaMnangagwa.

Doctor Sibanda vanoti VaChamisa munhu anoda zvikuru kuabatsirana mukugadzirisa zviri kunetsa munyika, nokudaro dai vakokwa, dai vaendawo kumusangano uyu.

Asi VaSibanda vanoti musangano wezvemachechi wapindwa naVaMnangagwa unenge unoratidza kunge wanga wakarongwa nemachechi ane husahwira neZanu PF.

Vanoti vachaongorora pamire machechi aya kuitira mune remangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG