Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanoparura Mugwagwa Uri Kugadzirwa neMari Yakabva kuJapan


ED Mnangagwa
ED Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakumikidza mugwagwa
weMarongora Hellsgate wakagadzirwa nerubatsiro rwemari yakabviswa
neJapan inodarika mamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica.

Vachitaura nhasi kuMarongora mudunhu reMashonaland West apo vanga
vachikumikidza mugwagwa uyu, VaMnangagwa vati kuvandudzwa kwemigwagwa kunoita kuti munyika muve nebudiriro uye kuchipawo
vedzimotokari vekune dzimwe nyika vade kupfuura nemuZimbabwe izvo
zvinounza mari munyika.

VaMnangagwa vatiwo hukama hweZimbabwe neJapan huri kuramba huchisimba zvekuti Japan iri kupawo zvizvarwa zvemuZimbabwe mukana wekunodzidza kuJapan zvidzidzo zveScience neTechnology.

VaMnangagwa vatora mukana uyu wanhasi kumanikidza vose vanga vari
pachiitiko chanhasi kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19
vachiti vanhu vagare vakangwarira chirwere ichi.

Vanhu vakawanda vabva vaenda panzvimbo yanga ichibayiwa vanhu nhomba kuti vabayiwe nhomba iyi

Vachitaurawo pachiitiko ichi mumiriri weJapan muZimbabwe, VaSatoshi Tanaka, vati vakaona zvakakosha kuyamura kugadziriswa kwemugwagwa uyu nekuti waiita njonzo dzakawanda.

VaTanaka vatiwo mugwagwa uyu unoda kugara uchigadziriswa nguva
nenguva kuitira kuti ugare wakanaka.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vanoti
kugadzirwa kuri kuitwa migwagwa munyika kuri pasi zvikuru kana
zvichienzaniswa nemari dzemitero dziri kubhadharwa nevanhu nemakambani vachiti mari iri kubiwa nevakuru vebazi reZimbabwe National Road Authority, Zinara.

Zimbabwe Anti Corruption Commission inoti iri kuferefeta vamwe vakuru vakuru muZinara pamusoro pekubiwa kwemari dzemitero.

Nyanzvi munyaya dzemigwagwa dzinoti kuvakwa nekuvandudzwa kwemigwagwa yeNorth-South Corridor kuchaita kuti pave nekufamba kuri nyore kuvanhu vanenge vachiita zvemabhizinisi pakati penyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community, nyika dziri muCommon Market for Eastern and Southern Africa, nenyika dziri kumabvazuva kweAfrica kana kuti East African states.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG