Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Munamato Ichitenda Mwari


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti nhasi izuva rekutenda Mwari.

Vachizivisa nezvezuva iri nezuro, VaMnangagwa vakati vakakoka vanhu vemuZimbabwe gore rapera kuti vabatane navo nevakuru vemakereke vachiita minamato nekutsanyira nyika.

VaMnangagwa vakati senzira yekutenda zvakaitirwa nyika naMwari, vari kukoka rwendo rwuno vana vese veZimbabwe kuti vapinde mumusangano wekutenda Mwari uchaitirwa kuState House nenguva dza 10 mangwanani anhasi kusvika nguva ya 1 masikati.

VaMnangagwa vakati veruzhinji vanokwanisa kushandisa madandemutande eFacebook, Twitter, terevhizheni pamwe nemarhedhiyo kuti vanzwe zvinenge zvichiitika.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti VaMnangagwa munhu anoremekedza Mwari uye anoshanda nevezvitendero zvakasiyana siyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti kunyange hazvo kunamata kusina kuipa, marongerwo azvaita anoratidza kuti Zanu PF yapererwa nemazano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG