Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoshora Kuratidzira Munguva yeLockdown


ABSOLOM SIKHOSANA BURIAL
ABSOLOM SIKHOSANA BURIAL

Vakaitwa gamba renyika, VaAbsolom Sikhosana, vakaradzikwa neChitatu pamarinda emagamba enyika paNational Heroes Acre mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachishandisa mukana uyu kutsoropodza nyaya yekuratidzira munyika.

Vachitura mashoko avo pakuradzikwa kwaVaSikhosana paHeroes Acre, VaMnangagwa vakatsoropodza nyaya yekuratidzira munyika vachiti nyika inofanira kugara iine runyayararo.

Mashoko aVaMnangagwa aya akashorwa nemutauriri wemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, VaNkululeko Sibanda, sezvo akauya apo nhengo dzeMDC nhatu, dzinosanganisira mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe, dzichiti dzakatochwa svondo rapera mushure mekuratidzira kwakaita vechidiki vebato iri muWarren Park svondo rapera

VaMnangagwa vakakurudzira vechidiki kuti vaite zvinhu zvinosimudzira hupfumi hwenyika pamwe nekuchengetedza runyararo munyika.

Izvi zvakatsinhirwa nemurongi wemisangano muZanu PF uye vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika, VaVictor Matemadanda, avo vakanga varipowo pakuradzikwa kwaVaSikhosana.

VaSikhosana, avo vakambove mutungamiri weboka revechidiki muZanu PF kwenguva yakareba, vakashaya neChishanu svondo rapera kuBulawayo mushure mekurwara nechirwere chwemwoyo.

VaSikhosana vakazvarwa musi wa20 Gumiguru 1949, uye vakapinda mune zvematongerwo enyika nyika isati yawana kuzvitonga kuzere vakarwa hondo vari kudivi reZapu.

Vakazotungamira boka revechidiki muZanu PF mushure mekubatana kwakaita Zapu neZanu muna 1987. Pavakazoenda kwamupfiganebwe neChishanu ndivo vanga vakafanobata chigaro chasachigaro weZanu PF mupurovhinzi yeBulawayo.

VaSikhosana vakasiya mudzimai, Amai Jelina Dube Sikhosana, vana vashanu nevazukuru vatanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG