Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanobva paMusangano waVaMnangagwa kwaMutare


Zanu PF Rally Mutare
Zanu PF Rally Mutare

Vatsigiri veZanu PF vatanga kubuda mumusangano wavo waitirwa panhandare yendege kwaMutare panguva iyo mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vachitaura.

Mumwe wevatevedzeri waVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga, vayedza kwazvo kunyengetedza mhomho yavanhu yange yofamba ichibuda vachiti vanhu varambe vakagara pasi uye kuti vasatyire kusiiwa nemabhazi sezvo zvekufambisa zvange zviripo, asi vanhu varamba vachienda.

VaChiwenga vazoudza vechidiki veZanu PF kuti vaone kuti vanhu varamba vakagara pasi kudzamara VaMnangagwa vapedza kutaura.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vati Land Commission yakaumbwa ichabata basa rekuti vakuru vose vane minda yakawanda, vatorerwe kuitira kudzirira huori.

VaMnangwagwa vatiwo matunhu anosungirwa kubatsirikana nezvinowanikwa maari vachiti seManicaland inofanirwa kuwana zviri mudunhu ichishandisa zvainoda kuita pabudiriro.

VaMnangagwa vabvuma kuti bato ravo rinoshanda nemadzishe mune zvese zvarinoita kusanganisira musarudzo dziri kuda kuitwa, vachiti Zanu PF inofambidzana nemadzishe.

Vatsoropodza mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachivati ndivo voga vanongochema nenyaya yekuti Zimbabwe Electoral Commision haina kumira zvakanaka asi vamwe vavo vari kukwikwidza vakanyarara.

VaMnangagwa vaudza vanhu kuti mumwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi, vakadzoka kubva kuSouth Africa uko vange vachirapwa mushure mekukuvadzwa negirinedhi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG