Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vokomekedza Vanhu Kuti Vangwarire Chirwere cheCovid-19


Pallbearers wait for the coffins to arrive at a state burial of government ministers who died of COVID-19, in Harare, Thursday, Jan. 21, 2021.
Pallbearers wait for the coffins to arrive at a state burial of government ministers who died of COVID-19, in Harare, Thursday, Jan. 21, 2021.

Chirwere cheCovid-19 nezuro chakauraya vanhu makumi mana nevashanu kusanganisira gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, vaimbove gurukota redzidzo yepasi, VaEneas Chigwedere, muzvinabhimisi uye vaimbove nhengo yeparamende kuChitungwiza, VaChristopher Chigumba, pamwe nevaimbove mukuru wemajeri munyika, Retired Major- General Paradzai Zimondi.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kushaya kuri kuita vakuru vakuru muhurumende chiratidzo chekuti hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Vana vese vakashaya nezuro vanobva kudunhu reMashonaland East uye vari nhengo dzebato reZanu PF.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato iri nezvehurongwa hwekuradzikwa kwavo sezvo vakuru vakuru mubato iri vati titaure nemutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, avo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Vanhu makumi mana nevashanu vakafa nechirwrre ichi nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pamazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevaviri, kana kuti 962

Kushaya kwevana ava kunotevera kushaya neChishanu chapfuura kwavaimbove gurukota reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, vaimbove nhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, sachigaro wevechidiki kuMashonaland Central, Frenado Ruwizhi, uye kushayawo kwegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo.

Amai Gwaradzimba naVaMalianga vakaradzikwa semagamba kuHeroes Acre, uye VaMoyo vari kuvigwawo paHeroes Acre nemusi weChitatu.

Vachitaura pamusoro pekufa kwevanhu nedenda reCovid-19, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika. Vati denda reCovid-19 rinogona kutowedzera munyika uye hurumende yakazvipira kushandisa mauto kusimbisa Lockdown kana zvichikodzera.

Vatiwo hurumende yave kutaura nenyika dzave nemishonga yenhomba yekudzivirira kupararira kweCovid-19 vachiti kana mishona iyi yauya munyika ichatanga kupihwa varapi navose vanoshanda muzvipatara.

Vati hapana mutsvene kudenda reCovid 19 vachiti denda iri riri kubata vanhu zvisinei nekuti ndevebato ripi uye vanhu vanofanira kubatana mukurwisa denda iri.

VaMnangagwa vati denda iri rinokundika chete kana vanhu vakatevedzera mirairo yekuridzivirira.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vati kushaya kwave kuita vakukuru vakuru muhurumende, vezvematongerwo enyika pamwe nevemabhizimisi kunogona kupa dzidziso kune veruzhinji kuti vatevedze nzira dzese dzekudzivirira kupararira kwe Covid-19.

Vatiwo vamwe vakuru vakuru vange vasiri kutevedza mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19 uye izvi zvave kuonekwa nerufu.

VaRusike vati vagara vachichema kuti hurumende iiise mari yakawanda kumabasa ehutano vachiti izvi zvinobatsira vazhinji pamatambudziko akaita seCovid-19.

Asi vati dai denda iri risina kuvharisa mabhodha, vakuru vakuru ava, vangadai vari kurapwa kunze kwenyika.

Bato guru rinopikisa munyika reMDA Alliance razivisa kuti riri kushushikana nekufa kwevanhu pamwe nekupararira kweCovid-19 uye raparura chirongwa chekudzidzisa veruzhinji munyika pamusoro pudenda iri ranetsa pasi rese.

Mutevedzeri webato iri, VaClifford Hlatshwayo, vati mutungamiriri webato ravo, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira kuti pave nechikwata kana kuti komiti inomirira vanhu vese munyika kuti itungamire basa rekurwisa denda iri.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube, vati denda reCovid-19 riri kuuraya uye yasvika nguva yekuti vanhu vemuZimbabwe vabatane mukurwisana nedenda iri zvisinei nekuti vanobva kubato ripi.

Kusvika pari zvino, Covid 19 yabata vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nemazana mashanu nemakumi maviri nevatatu, kana kuti vadarika 30, 523, zvichitevera kubatwa kwevanhu mazana mana nemakumi manomwe nevatanhatu nezuro, kana kuti 476.

Asi huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG