Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoungana neMugovera kuTexas Kuti Zvitende Mwari


Pastor Rebecca Makayi

NeMugovera uno, musi wa14 Kubvumbi, 2018, kuchange kusingadaidzwi anonzwa, apo vamwe vevana veZimbabwe vari munyika yeAmerica, vachaungana pakereke yeUpendo Baptist Church, iri muguta reGarland, mudunhu reTexas, vachitenda Mwari, pamwe nekunamatira nyika yavo yeZimbabwe nevanhu vayo.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa hwekuunganidza vanhu uhwu, uye vari mufundisi wekereke yePraise Covenant International Church, Pastor Rebecca Makayi, vanoti vanotarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumatunhu mazhinji emuAmerica zvichange zviripo.

Pastor Makayi vanotizve zuva iri harisi rekukumbira kunaMwari kwete, asi kuti nderekutenda zvakaitirwa nyika yeZimbabwe, vanoti vachatorawo mukana uyu kunamatira vanhu nenyika yeZimbabwe pamwechete nevatungamiriri vayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG