Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorumbidzwa Kunyorerana Kwayaita Chibvumirano Chinobata Vapari veMhosva


Mr Godwin Nyengedza
Mr Godwin Nyengedza

Mamwe magweta anoti Zimbabwe yakaita chinhu chikuru mukusainirana chibvumirano neAmerica kuti vanhu vanopara mhosva vakatizira kune imwe yenyika mbiri idzi, vadzorerwe kunyika kwavapara mhosva.

Nyanzvi yezvemitemo vachishanda nekambani yemagweta ye Scanlen and Holderness, asi pari zvino vari kushanda nekambani ye Covington and Burling muWashington D.C., VaGodwin Nyengedza, vanoti Zimbabwe yatora nhano huru mukusainirana chibvumirano ichi neAmerica.

“Pari kuratidza kuti nyika yeZimbabwe yasimuka ikaenda pachinhano chikuru, chepamusoro chinoenderana nema League of Nations ekuedza kuti pasavanzwe vanhu vanenge vachinzi vapara mhosva mune dzimwewo nyika, iyowo America ichitarisirwa kuti iite zvimwe chete izvozvo,” VaNyengedza vakaudza Studio 7.

“Ini ndinoti makorokoto kuZimbabwe nekuti yaita zvakanaka mushure memakore makumi maviri nerimwe yakagarira mutemo iyoyu.”

Chibvumirano ichi change chave nemakore makumi maviri nerimwe chanyorwa asi vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havana kuve nehanya yekupinza chibvumirano ichi mumitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG