Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Zanu PF Iri Kuvhiringa Mabasa Ayo


MDC Alliance Secretary For Local Gvt and Rural Development Sesil Zvidzai
MDC Alliance Secretary For Local Gvt and Rural Development Sesil Zvidzai

Munyori anoona nezvematunhu MU MDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mumaguta nemadhorobha ese munyika nekuti hurumende iri kupindira zvakanyanya MUkufambiswa kwebasa mumakanzuru aya.

Vachitaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu mumaguta nemadhorobha, VaZvidzai vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka nekuti vagari havasi kuwana zvavanotarisira kubva kumanzura avakavhotera nekuti ari kutadziswa kuita basa nehurumende.

Vati makanzuru haana simba rekutenga zvinhu, kupinza vashandi vakuru vakuru vemakanzuru avo basa uye hurumende inogara ichipindira kana kudzorera shure matanho avanenge vatora izvo zvinoita kuti vatadze kuita basa ravo nemazvo.

Vati muHarare, makanzura mazhinji kusanganisira meya vakasungwa kana kudzingwa basa zvisina tsarukano izvo zvave kukanganisa mabasa ekanzuru.

Vati zvave kukanganisa vagari sezvo vanofanira kutora matanho ekuona kuti basa rafambiswa vasisipo.

Vatiwo hurumende iri kuomesera makanzuru emumadhorobha nekuti makanzuru aya anotungamirirwa neMDC Alliance.

Vati zvinhu zvese zvinogona kudzirisika kana hurumende ikatevedza bumbiro remitemo iro rinoti inofanira kupa masimba hurumende dzematunhu pamwe nekuvandudza mitemo inoona nezvemadhorobha nemaruwa kuitira kuti ifambirane nebumbiro iro.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo tisina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvematunhu, VaJuly Moyo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumanzu, vaudza Studio 7 kuti hurumende haingaregi kupindira mumakanzuru nekuda kwekuti mune huwori hunotyisa.

Vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumaguta nemadhorobha nekuti makanzuru ari kupedzera mari muzvinhu zvina basa zvakaita sedzimotori dzemhando yepamusoro.

Vatiwo hurumende yakatotanga kuendesa masimba kuhurumende dzematunhu uye bumbiro riri kuvandudzwa kusimbisa izvi.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vagari vemudunhu reHarare, reHarare Metropolitan Residence Forum, VaMarvelous Khumalo, vati makanzuru emumaruva nemguta haana zororo nekuti anotungamirwa nebato rinopikisa.

MDC Alliance inotungamira makanzuru makumi maviri nemasere pamakanzuru makumi matatu nemaviri emadhorobha munyika yese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG