Accessibility links

Breaking News

Vagari Vonetsana neZESA Zvichitevera Kushaikwa kweMagetsi


ZESA
ZESA

Vagari vemuguta reHarare vari kusangana nevakuru vakuru vekambani yemagetsi vachikurukura pamusoro pezviri kunetsa vagari ava sezvo magetsi ari kugara asipo nguva zhinji.

Mumwe musangano waitirwa neChipiri kumahofisi eZimbabwe Elecricity Transmission and Distribution Company, (ZETDC) vagari vachiratidza kusafara zvikuru nekushaikwa kwemagetsi.

Mumwe wevamiriri vesangano re Harare Residents Trust, Amai Regina Bwakure, vati kudzimwa kwemagetsi kwanyanyisa muHarare zvokuti zvave kuremera vagari avo vanozoguma vonotenga parafini yekushandisa, izvo vati zvine njodzi.

Mukuru weZETDC, VaMilton Munodawafa, vabvuma kuti ichokwadi kuti magetsi ari kunyanya kuenda nekuda kwekuti mvura iri kunyanya kunaya izvo zvinokonzera kudzimwa kwemagetsi sezvo tambo dziri kupindwa nemvura.

Vatiwo dzimwe nguva miti minyoro iri kugumhana netambo dzemagetsi, izvo zviri kukonzera kuti magetsi aya aputike, obva adzima munzvimbo dzinenge dzichifanirwa kusvitswa magetsi netambo inenge yaputika.

Mumwe mudzimai wechikuru asina kuda kudomwa nezita rake anoti kune madzimai maviri akashaya kuHighfields nkuda kwekuti mishonga yavo yechirwere cheshuga inofanirwa kugara mufiriji saka vakazoshandisa mishonga iyi kwapfuura mazuva maviri zvikavhiringidza hutano hwavo.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza musangano uyu kuti imwe nyaya iri kusvika kumahofisi avo ndeyemaroja ari kunyunyuta nekubhadhariswa mari yemagetsi yakawandisa nevaridzi vedzimba.

Mumwe maneja weZETDC, VaRaphael Mhashu, vayambira veruzhinji kuti vasabe midziyo inoshandiswa nekambani yemagetsi iyi sezvo kuita izvi zvichizosiya munhu akandwa mujeri kwemakore anodarika gumi.

VaMunodawafa vati Zimbabwe ine magetsi anokwanira munhu wese zvokuti kudzima kwaari kuita hakuzi kukonzerwa nekushaikwa kwemagetsi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG