Accessibility links

Breaking News

Mari Inodiwa naMhuri yeVanhu Vashanu Yakakwira Muna Kukadzi neZvikamu Gumi neZvinomwe Kubva muZana


Munhu mumwechete anonzi aida madhora mazana mana negumi nemapfumbamwe pamwedzi kuti akwanise kutenga chikafu.
Munhu mumwechete anonzi aida madhora mazana mana negumi nemapfumbamwe pamwedzi kuti akwanise kutenga chikafu.

Mari inodiwa nemhuri ine vanhu vashanu inonzi yakakwira nezvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana mumwedzi waKukadzi kubva pamadhora zviuru zvina nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nemaviri mumwedzi waNdira kuenda pamadhora zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nematatu.

Izvi zvakaziviswa neZimbabwe Statistics Agency, Zimstat, iyo inoti mari yechikafu chete yaidiwa nemunhu mumwe chete mumwedzi waKukadzi yaiita madhora mazana mana negumi nemapfumbamwe, kuchitiwo mari yemuhoro yaidiwa nemunhu mumwe chete ichiiswa pamadhora chiuru nemakumi mashanu nemapfumbamwe.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kukwira kwemari inodiwa nemhuri yevanhu vashanu uku kwakanyanya kukonzerwa nekukwira kwemutengo wedhora rekuAmerica muna Kukadzi, izvo zvakazokwidzawo mitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya.

VaKuchera vanotiwo zvinhu zvakanyanya kukwidzwa mitengo zvinosanganisira upfu, mafuta, tsvigiri nenyama.

VaKuchera vanoti nekuda kwedambudziko reCoronavirus iro rakakonzera kuti vanhu vasabvumidzwe kufamba, vakawanda vezvitoro vakakwidza mitengo yezvonhu mumwedzi waKurume, izvo zvakaitawo kuti mari inodiwa nemunhu mumwedzi uyu ikwire kubva yemuna Kukadzi.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG