Accessibility links

Varimi vakagariswa patsva vembatatisi vanoti havana rubatsiro rwavari kuwana kubva kuhurumende sezviri kuitwa kuvarimi vechibage nezvimwe zvirimwa.

Vachitaura pamberi penhengo dzekomiti yedare reseneti inoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, varimi ava vati kunyange hazvo vakapiwa minda, varimi vazhinji vachiri kutatarika sezvo vachitikurima mbatatisi kunoda mari zhinji.

Sachigaro wePotato Council, VaRonald Musekwa, vakumbira kuti dai hurumende yavabatsirawo kunyanya panotsvaga michina yekudiridzisa.

Varimi ava vachemawo nekushaikwa kwembeu yembatatisi ine hutano munyika.

VaMusakwa vati mbeu yavari kuwana munyika yakaneta huye imwe yacho ine zvirwere izvo zviri kuita kuti goho revarimi riderere.

Nhengo dzePotato Council idzi dzakumbirawo nhengo dzedare reseneti kuti dzikurukure nehurumende kuti vakwanisewo kurima pakapiwa vamwe vachibhadhara varidzi venzvimbo idzi.

VaMusekwa vati mbatatisi dzoda kurimwa pakakura sezvo murimi asingakwanisi kurima paanenge apedzisira kuisa matapiri.

Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvamari, VaPatrick Chinamasa, vatura ongororo yebhajeti inoitwa pakati pegore.

VaChinamasa vati vari kutarisira kuti 2017 ipere zvakanaka.

VaChinamasa vati mari yakawakiwa nehurumende kubirikidza nemitero kusvika pakati pegore yakakwira nechikamu chimwe nechidimbu kubva muzana.

VaChinamasa vati izvi zvichaita kuti hurumemde iwane mari yebhajeti ye mabiriyoni matatu nemamirioni mazana manomwe emadhora panopera gore inova iyo yaidiwa pabhajeti regore rino.

Vatiwo hurumende yakabhadhara mamirioni zana ane makumi matatu nemana emadhora kuvarungu vachena vakatorerwa mapurazi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG