Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Votambira Mutongo weConstitutional Court paChikamu chePOSA


Gweta VaTendai Biti ndivo vakakwidza nyaya iyi kudare reConstitutional Court vachipikisa chikamu 27 chePOSA.

Dare repamusorosoro, reConstitutional Court neChitatu rakapa mutongo unoti chikamu 27 chemutemo wePublic Order and Security Act, POSA, icho chinopa mapurisa masimba ekurambidza misangano kana kuratidzira, hachisi pamutemo.

Izvi zvinotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri nemamwe masangano akazvimirira achipikisa chikamu ichi chiri kushandiswa zvisiri pamutemo kumbunyikidza kodzero dzavo dzekuungana dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Masangano aya anoti reDemocratic Assembly for Restoration and Empowerment (Dare), National Vendors’ Union of Zimbabwe, Combined Harare Residents’ Association (CHRA), neNational Election Reform Agenda (NERA),

Vachitura mutongo uyu vakamirira vatongi vose vedare repamusorosoro iri, Amai Rita Makarau vakati chikamu chemutemo uyu chinogona kushandiswa zvisizvo nemapurisa kuburikidza nekuramba vorambidza vanhu kuungana kana kuratidzira.

Gweta raimirira masangano aya, VaTendai Biti, vanoti vari kufadra nemutongo uyu.

Asi VaBiti vanoti vanofanirwa zvakare kurwisana nechikamu 12 chePOSA, icho chinoti vanhu vanoda kuungana vanofanirwa kutanga vazivisa nekupuwa mvumo nemapurisa.

Studio 7 yaedza kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa pamutongo uyu asi vati vari pazororo. Taedzawo kubata mumwe mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Blessmore Chishaka, asi nharembozha yavo yanga isingabatiki.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano reAmnesty International rinoti mutongo wakapiwa neConstitutional Court uyu unovhura chikamu chitsva munyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Mukuru weAmnesty International muZimbabwe, Amai Jessica Pwiti, mugwaro ravaburitsa, vati mutongo uyu unotambirika zvikuru.

Vatiwo kwemakore akawanda mutemo uyu wanga uchishandiswa kutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekusungwa, kushungurudzwa uye kutochwa kwevanhu vanoonekwa sevanopikisa hurumende kana vanoedza kufumura kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Asi Amai Pwiti vati chitsvambe chasarira kuhurumende kuona kuti mutongo wedare uyu vatevedzerwa.

Vati mapurisa anofanirwa kuonawo kuti aremekedza mutongo uyu.

Mutemo wePOSA wakadzikwa muna 2002 uchutsiwa mutemo weLaw and Order Maintenance Act, LOMA, uyo waishandiswa nehurumende mukutyora kodzero dzevanhu.

Mutemo muyu waivepo zvakare munguva yeRhodesia nyika isati yawana kuzvitonga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG