Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu muZimbabwe Hotarisirwa Kudarika Mamiriyoni Makumi Maviri Muna 2032


Mazowe Zimbabwe
Mazowe Zimbabwe

Gwaro richangobva mukuburitswa nebazi reZimStats rinotaridza kuti huwandu wevanhu munyika huchakwira kusvika pamamiriyoni makumi maviri nerimwe nechidimbu muna 2032 uyewo vanhu vachenge vave kurarama kwenguva yakareba panguya iyi kudarika pari zvino.

Gwaro reUpdated 2012 Population Census Projections, rinoratidza kuti varume vachange vave kurarama kwemakore makumi matanhatu nemanomwe muna 2032 kubva pamakore makumi mashanu nemasere muna 2012.

Vanhukadziwo vanenge vave kurarama kusvika pamakore makumi manomwe nemana panguva imwecheteyo, kubva pamaore makumi matanhatu nemashanu muna 2012.

Mukuru weZimStats, VaTaguma Mahonde, vaudza Studio7 kuti izvi zvinoratidza kuti vanhu vanenge vave kugara zvakanaka.

VaMahonde vanotiwo madzimai achange ave kutarisirwa kuita vana vashoma muna 2032 pane vavari kuita pari zvino.

Zvimwe zviri mugwaro iri ndezvekuti vanhu vakawanda muZimbabwe vanenge vakwegura uye huwandu hwevana vane makore ari pasi pegumi nemana, hunenge hwaderera zvakanyanya.

VaMahonde vatiwo gadziriro dzekuverengwa kwevanhu muna 2022 dziri kufamba zvakanaka uye bazi ravo riri kuwana rutsigiro kubva kuhurumende.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMlindelwa Mancitshana, vanoti havabvumirani neZimStats kuti vanhu vachararama kwenguva yakareba nekuti vanenge vava kugara zvakanaka.

ZimStats inoverenga vanhu pamakore gumi ega ega uye pakapedzesera kuverengwa vanhu muna 2012, munyika maive nevanhu mamiriyoni gumi nematatu nechidimbu.

Pari zvino zvinofungidzirwa kuti munyika mune vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG