Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vononga Svosve neMuromo kuMasvingo


Vagari vakawanda vekuMasvingo vanoti vari kunonga svosve nemuromo kuti vararame nepamusana pekushaikwa kwemabasa muguta ravo.

Vamwe vevanhu ava vari kunhonga marara kunzvimbo inorasirwa marara nekanzuru yeguta ravo vachizonogeza zvinhu zvavanenge vawana kuitira kuti vazozvitengesa.

Vagari ava vanosanganisira vechidiki, vakuru pamwe nemadzimai anenge akatakura vana kumusana, vari kuenda kunonhonga zvinhu zvinenge zvaraswa.

Studio7 yashanyira nvzimbo inorasirwa marara nekanzuru, iyo iri kumavirira kwemusha weRunyararo West, ikawana vanhu vari mubishi kunonga zvinhu vasina zvipfeko zvinokodzera zvakaita semanjombo, magirovhisi pamwe nema mask.

Mumwe wevanhu ava, Amai Sylivia Makurwe, avo vane vana vatatu, vanoti vanomukira kunonga zvinhu izvi kuti vakwanise kuchengeta mhuri yavo uye vaendese mumwe wevana vavo kuchikoro uyo ari kumba nenyaya yekutadza kubhadara mari yechikoro.

Mumwe wevanoita basa rakadai, Ambuya Tatenda Murambiwa, vanoti dambudziko ravo riri kukonzerwa nehurumende yeZanu PF iyo iri kutadza kugadzirisa hupfumi hwenyika nepamusana pekutadza kutonga zvine jechetere mukati.

Mukomana wechidiki, Oswald Mupambiwa, anotiwo inyaya yenhamo zvayo asi hutano hwavo huri panguva yakaoma sezvo kumarara uku kuchirasirwa zvinhu zvakasiya-siyana izvo zvinokonzera zvirwere zvakawanda.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vanononga zvinhu kunorasirwa marara vane njodzi yekubata zvirwere zvakasiyana siyana, ndokana vachiita basa ravo vasina kupfeka shangu dzinokodzera, uye zvipfeko zvemumaoko, kana kuti magirovhosi.

Nyanzvi idzi dzinotiwo vanhu ava vanofanirwa kunge vaine ma mask kuitira kuti vasafeme mweya ine tsvina uyu.

Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa muMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vari mumusangano.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurumende inofanirwa kuita hurongwa hwekumutsiridza maindasitiri ayo akavharwa nepamusana pekutadza kwehurumende kuronga zvine hungwaru.

Nyanzvi idzi dzinotiwo hurumende inofanirwa kudzika mitemo iche chekuita nehupfumi kuitira kuti mitemo iyi ikwezve vekunze vanoda kutanga mabhizinesi munyika, izvo zvinozoita kuti mabasa awanikwe munyika.

Payaitsvaga rutsigiro musarudzo muna 2013, Zanu PF yakati yaizoita kuti munyika muve nemabasa matsva anosvika mamiriyoni maviri.

Asi izvi hazvina kuitika sezvo zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana zvevashandi zvisina mabasa munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG