Accessibility links

Breaking News

America Inoshora South Africa Pakutambira Kwayo Rubatsiro RweCoronavirus Kubva KuCuba


VaMike Pompeo

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vashora zvikuru nyika yeSouth Africa, pamwe chete nenyika yeQatar, vachiti nyika idzi hadzaisafanirwa kutambira vanachiremba vakatumirwa kunyika dzavo nehurumende yeCuba kunorapa vanhu veko chirwere checoronavirus. VaPompeo vati Cuba inoda kuita mari ichishandisa chirwere che coronavirus. Kubva nechakare, nyika yeCuba yagara ichitumira vanachiremba vayo kunobatsira nyika dzakasiyanasiyana, kunyanya kunyika dzichiri kubudirira. Asi vaPompeo vanoti vanachiremba ava vanopiwa mihoro mishoma pamari dzavanofanirwa kupiwa, vachiti hurumende yeCuba inovatorera mari yavo. VaPompeo varumbidza nyika dzeBrazil, Ecuador neBolivia vachiti dzakaramba kutambira vanachiremba vekuCuba nekuti nyika idzi dzinoona kuti zvirikuitwa nehurumende ye Cuba hazvina kunaka. VaPompeo vatizve hurumende dzinoshandisa vanachiremba veku Cuba dzinofanirwa kubhadhara vanachiremba ava pachavo, vachiti hurumende yeCuba inovapa mari shomanana pane inenge yabhadharwa nenyika dzavanenge vanzi vashandire. VaPompeo vati hurumende yeCuba irikushandisa vanachiremba vayo kuti vaiwanire mari panguva nyika dzose dzakatarisana nedambudziko recoronavirus. VaPompeo vati vanotarisira kuti nyika dze South Africa ne Qatar dzicharambavo kutambira vanachiremba veCuba sezvo nyika ye Cuba irikudzvanyirira vanachiremba vayo. Chiremba vanoshanda neElizabeth Glaser Pediatric Aids Foundation muWashington D.C, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti America iri kuratidza hutsinye husina maturo. Dr Machekano vanoti Cuba yakabatsira nyika dziri kubudirira zhinji munyaya dzezvehutano, kusanganisira Zimbabwe, vachiti rubatsiro rweCuba harwugoni kungoraswa kana kukanganwikwa nanhasi wese. Dr Machekano vanoti chinhu chikuru ndeche kuchengetedza hupenyu hwevanhu, kwete kuti rubatsiro rwekuponesa vanhu rwurikubva kunyika yechi Communist, chiSocialist kana kuti yechi Capitalist here. Vatizve, vanhu vasakanganwa kuti masvondo matatu apfuura, America yakamisa kupa rubatsiro rwemari kusangano rinoona nezvehutano pasi pose, reWorld Health Organisation (WHO), sangano ravanoti haripinzi zvematongerwo enyika mukubatsira kwaro vanhu nenyika dzose munyaya dzezvehutano pasi pose. Dr Machekano vanoti America inofanira kukoshesa hupenyu hwevanhu kupfuura mari nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG