Accessibility links

Breaking News

Nhengo Zhinji dzeParamende muSouth Africa Dzoratidza Kuti Dzichine Vimbo naVaZuma


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vapona musarudzo dzaitwa mudare reparamende dzekuti vanopikisa havachina chivimbo nehutongi hwavo kana kuti ‘vote of no confidence’.

Dare reparamende mu South Africa ravhota nhasi panyaya yekuti vazuma voramba vari pachigaro here zvichitevera nyaya yakasimudzwa nevanopikisa yekuti havachina chivimbo nemutungamiri wenyika iyi.

Nhengo dzeparamende kubva kumapato ose anopikisa dzabatana pamwechete mukupikisana nenhengo dzebato riri kutonga re ANC, rinove bato ravaZuma, mukuvhota kwaitwa muchivande.

Vange vachiti vachine vimbo naVaZuma vaita mavhoti198 asi vange vachiti havasisina ruvimbo navo vakaita mavhoti 177.

Doctor Ricky Munyaradzi Mukonza, avo vari Senior Lecturer paTswane University of Technology kuSouth Africa, vanoti zvaitwa muparamende yeSouth Africa izvi zvinoratidza kuti South Africa inyika yati budirirei panyaya yekugona kuzvitonga.

Vanotizve kuvhota muchivande kwaitwa uku kwange kuri kudzivirira kutyityidzirwa kunoitwa vanhu sezvo vamwe vachitotyityidzirwa nerufu chairwo.

“Zviri kuitika muparande kuSouth Africa, handioni zvichiitika kuZimbabwe nokuti kuZimbabwe tikatarisisa tinoona kuti iyo paramende yacho inongoita zvekungotevedzera zvataurwa nomutungamiri wenyika,” Doctor Mukonza vakaudza Studio 7.

Vapamhidzira vachiti, “Izvi zvinowedzerwa nekuti Zanu-PF ine nhengo dzeparamende dzakawanda kupfuura mamwe mapoka uye Zanu-PF yakapa masimba akawandisa kuna President Mugabe zvekuti nhengo dzeparamende dzeZanu-PF vane kutya kwakanyanya.”

Vanoti ivo zvirikuitika kuna VaZuma zvinotapudza vimbo yeavo vavanenge vachidyidzana navo nekuti mutungamiri wese wese anowana simba kubva kuvanhu venyika yake.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG