Accessibility links

Breaking News

VaMugabe neVamwe Vatungamiri Vosvika muNew York


VaRobert Mugabe naamai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naamai Grace Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasvika muNew York nemusi weChitatu kumusangano wevatungamiri venyika unoitwa pagore weUnited Nations General Assembly.

Uyu musangano wechimakumi manomwe uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nenyaya dzerunyararo nekodzero dzevanhu.

VaMugabe vaperekedzwa nemudzimai wavo amai Grace Mugabe, gurukota rezvehupfumi VaSamuel Mumbengegwi uye gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa.

VaMugabe vari kubatana nevamwe vatungamiri venyika dzepasi rino kuti vazozeye kuti votambira here gwara itsva reUnited Nations rakanangana nebudiriro rinonzi Sustainable Development Goals iro richatsiva gwara rainzi Millenium Development Goals.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vatosvika kumuzinda weUnited Nations, Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda vayambira vatungamiri venyika dzepasi rino kuti muromo hauzarirwe nerwizi nekudaro vanofanira kuzadzikisa zvavanenge vataura.

Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda
Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda

Amai Gumbonzvanda vati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti madzimai nevanasikana munyika dzakawanda vari kurarama hupenyu hwakaoma uye vachibatwa neseri kweruoko.

Hurukuro naAmai Nyaradzayi Gumbonzvanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG