Accessibility links

Breaking News

VeMDC neZanu-PF Vokandirana Makobvu neMatete muDare reParamende


President Robert Mugabe and MDC-T leader Morgan Tsvangirai. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
President Robert Mugabe and MDC-T leader Morgan Tsvangirai. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Mudare reparamende nemusi weChitatu makandiranwa makobvu nematete pakati penhango dzeparamende dzeZanu-PF nedzeMDC nenyaya yemashoko asiri iwo akaparurwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMugabe vakatura mashoko avakambotaura musi wa25 Nyamavhuvhu paState of the Nation kwete mashoko ekuvhura dare reparamende. Mukugadzirisa zvakaresva izvi, mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazouya neavati ndiwo chaiwo mapepa aifanira kuturwa kudare naVaMugabe.

Asi pakaita kunetsana kunotyisa apo nhengo dzedare dzeMDC dzange dzichiti vanhu vakapa VaMugabe mapepa asiri iwo vanofanira kudzingwa basa uye kuti VaMnangagwa vanofanira kukumbira ruregerero.

Mumashoko avo aturwa kudare avaifanira kuverenga, VaMugabe vange vachiti panofanira kuvandudzwa mitemo ine chekuita nesarudzo, Electoral Ammendment Act, mitemo yekuchuchisa kana kuti National Prosecuting Authority.

VaMugabe vanotiwo mitemo yekuvamba mabizimisi munyika inofanira kuvandudzwa kuti zvive nyore kutanga mabhizimisi uye mitemo ine chekuita nezvezvicherwa.

Vanotiwo pachaumbwa bhiri rekuongorora minda yakagoverwa vanhu kana kuti Land Bill. Pachazeyiwawo nedare mutemo wekukoshesa kodzero dzevatengi kana kuti Consumer Protection Bill.

Paramende iri kutarisirwawo kuzeya bhiri rekubatanidza vakarwa hondo, vaive muhusungwa munguva yehondo uye vanachimbwido nanaujibha.

VaMugabe vari kukurudzirawo nhengo dzedare reparamende kuti dzibatane mukuendesa mberi chirongwa chekuvandudza hupfumi cheZIMASSET.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Buhera South VaJoseph Chinotimba vanoti VaMugabe munhu wenyama vanogonawo kungokanganisa.

Hurukuro naVaJoseph Chinotimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumiriri weKuwadzana Central VaNelson Chamisa vanoti nyaya yekutyisidzira nhengo dzeparamende yakaitwa neZanu-PF inonyadzisa.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vaimbotungamira Misa-Zimbabwe VaRashweat Mukundu vanoti zvakaitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti vakwegura.

Hurukuro naVaRashwaet Mukundu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG