Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voverega Mashoko Asiriiwo Muparamende KweMaminetsi Makumi Maviri neMasere.


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChipiri vakaverenga mashoko asiri iwo mudare reparamende kwemaminetsi makumi maviri nemasere.

Izvi zvakabva zvapa kuti bato rinopikisa reMovement for Democratic Change ribuditse mashoko ekuti uyu munongedzo wekuti VaMugabe vakwegura uye vanofanira kuenda pamudyandigere.

Bato reMDC rinoti zvaitika izvi munongedzo wekuti VaMugabe havachakwanise kutungamira nyika. Bato iri rinoti basa rekutungamira nyika ibasa rinoda munhu ane hutano hwakanaka.

VaMugabe vakaverenga mashoko avakamboverenga paState of the Union Address musi wa 25 Nyamavhuvhu kwete ekuvhura dare reparamende.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba vakati izvi zvakonzerwa nekusafambiswa basa zvakanaka muhofisi yavo.

VaMugabe vakazotaura havo mashoko avanga vachida kutura kunyika pane imwe hotera muguta reHarare.

VaMugabe vakati vanoda kudzika mitemo inodzivirira kutyorwa kwekodzero dzemadzimai nedzevana. Vakashorawo vanhu vari kutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba nechikiribidi uye vakatiwo vakuru mumakambani havafanire kuzvitambirisa mari yakawanda yemihoro.

Zvichakadaro, nhepfenyuro yehurumende yeZimbabwe Broadacasting Corporation yakatadza kuburitsa paterevhizheni nerhedhiyo kuvhurwa kweparamende mushure mekunge vayambirwa nevakuru kuti vasaite izvi sezvo pange pachityirwa kuti nhengo dzesangano rinopikisa reMovement for Democractic Change dzichavhiringa chiitiko ichi sezvavakaita paState of the Nation Address mwedzi wapfuura.

ZBC yainge yaunza michina yayo nevashandi vayo asi havana kuzotepfenyura sezvo vange vaudzwa kuti vasiyane nazvo sezvo pange pachifungidzirwa kuti nhengo dzeMDC dzichavhiringa chirongwa ichi. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZBC VaGladman Bandama.

Asi izvi handizvo zvaitika sezvo nhengo dzeMDC dzinoti dzakapinda mudare dzichitya mushure mekunge dzati dzanyorewa tsamba pambozhanhare dzichinzi dzisayane nekusveverera kana kunyomba mutungamiriri wenyika apo anenge achivhura paramende.

Nhenge dzeMDC nomwe kusanganisira vanotungamira nhengo idzi muNational Assembly, VaInnocent Gonese, vanoti vatyisidzirwa nerufu uye vachema chema kumutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, kuti vange vari kutya zvichitevera kutyisidzirwa kwavanoti vainge vaitwa.

Asi VaMudenda vakarudzira nhengo idzi kuti dzinomhan’ara kumapurisa vachiti mapurisa ndivo ane ruzivo rwekuita ongororo. Mashoko aya atsinhirwawo nevanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaJoram Gumbo.

Asi VaGonese vati vanofunga kuti nyaya iyi ingadai yazeiwa muparamende sezvo vachimirira vanhu.

Vati nhengo dzeparamende dzinobvumirwa kuita zvadzinoda kana dzikange dzawona kuti mutungamiriri wenyika ari kutaura zvisingaiwirirane nevanhu vavanomirira.

VaNelson Chamisa ndemumwe wevatyisidzirwa uye vanoti vachatora matanho pamusoro pezvakaitika. VaChinamasa vanoti kana zvikadai pamuti munyoro kopawakaoma. Vanoti kutyisidzirwa kwenhengo dzedare reparamende kunototyisa nechieremera chavo zvichienzaniswa nevanhuwo zvavo.

VaProper Mutseyami vanotiwo kana mudzimai wavo awanawo tsamba yekumutyisidzira pambozhanhare yavo.

Dzimwe nhengo dzatumirwa mashoko ekutyisidzira ndiVaAmos Chibaya, muzvare Jessie Majome, VaPrince Sibanda naVaJames Maridadi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba nezvemashoko ekuti oane nhengo dzeMDC dzatyisidzirwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG