Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Yotarisisa Zvakare Nyaya yeMagwaro eZimbabwe Special Permits


Gurukota rezvemukati meSouth Africa VaMalusi Gigaba
Gurukota rezvemukati meSouth Africa VaMalusi Gigaba

Gurukota rezvemukati menyika muSouth Africa, VaMalusi Gigaba vanoti hurumende yavo iri kutarisisa zvakare nzira dzekubata nadzo nyaya yezvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zvine magwaro ekugara munyika iyi eZimbabwe Special Permits, ayo ari kuguma kushanda musi wa 31 Zvita 2017.

Danho raziviswa naVaGigaba iri kana rakabudirira richapa vana veZimbabwe vanga vabatira ura mumaoko mumwe mukana wekugara pamwe nekushanda munyika iyi vasingatyi kuburitswa munyika iyi.

Danho iri rinouya munguva iyo hurumende yeSouth Africa yakambenge yazivisa kuti haisi kuzodzora mwoyo panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidzokere kumusha kwazvo panongopera mushanda magwaro eZSP aya.

Advocate Gabriel Shumba, vanove mukuru wesangano rinomirira vana veZimbabwe vari muSouth Africa reZimbabwe Exiles Forum, vanoti vanotambira zvikuru danho raziviswa naVaGigaba iri.

VaShumba vanotiwo izvi zvakabva mukurudziro yavo yekuti muzinda weZimbabwe uri munyika iyi uone kuti gurukota rezvemukati menyika VaIgnatius Chombo vagarawo pasi naVaGigaba pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG