Accessibility links

Chikwata cheZNLWVA Chinotungamirwa naVaMutsvangwa Choramba Kucherechedza chaVaNyaruwata

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya (kuruboshwe)

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinotungamirirwa naVaChristopher Mutsvangwa rinoti hari cherechedze kusharwa kwekomiti yakagadzwa nemusi weChitatu kuti ifanoona nezvevakarwa hondo.

Chikwata ichi chinoti zvakaitwa zvekushara humwe hutungamiri izvi zvinopikisa mutongo wedare repamusoro wakati chikwata chaVaMutsvangwa ichi ndicho chete chinofanirwa kucherechedzwa.

NeChitatu chimwe chikwata chevakarwa hondo ava chakazivisa kuti VaPatrick Nyaruwata ndivo vachafanobata chigaro chasachigaro musangano iri kusvika pasarudzwa humwe hutungamiri.

VaGeorge Mlala vakanzi ndivo vanenge vari mutevedzeri wasachigaro, kuchitiwo Joel Mazhamba vari tete vemusangano, VaRobert Ncube vari mubati wehomwe naVaMichael Mapfumo vari munyori mukuru.

Mutauriri wechikwata chaVaMutsvangwa, VaDouglas Mahiya, vanoti zvakaitwa izvi zvinozvidza vakarwa hondo yerusunguko vose, sezvo zviri kuitwa nevanhu vavanoti vari kushandiswa nechikwata chevanhu vari muZanu PF che G40.

Kuumbwa kwechimwe chikwata uku kwakaitwa kunyange hazvo paine mutongo wedare repamusoro unoti chikwata chaVaMutsvangwa ndicho chete chinofanirwa kucherechedzwa.

Chikwata chaVaMutsvangwa nemusi weMuvhuro chakakwira kudare repamusoro chichida kuti rimise kusarudzwa kwehutungamiri hutsva uhwu.

Vakakwirirwa mudare igurukota rezvevakarwa hondo, VaTshinga Dube, munyori mubazi rezvevakarwa hondo, VaWalter Tapfumaneyi, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi.

Nyaya iyi yapinda mudare asi yaendeswa mberi kumusi weChipiri 26 Gunyana, unove svondo rinouya.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kuchikwata chaVaNyaruwata.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG