Accessibility links

Breaking News

ZimRights Yodzidzisa Vanhu Pamusoro peKukosha kweRunyararo neKugarisana


Zimbabwe Human Rights Association (ZIMRIGHTS)
Zimbabwe Human Rights Association (ZIMRIGHTS)

Sangano reZimbabwe Human Rights Associationa, ZimRights, neChina rakapeta chirongwa chemazuva matatu chekudzidzisa vanorwira kodzero dzevanhu zvidzidzo zviri pamusoro pekukosha kwerunyararo pamwe nekugadzirisa makakava, zvikuru nyika yatarisana nesarudzo dza 2018.

Chirongwa ichi chakatangwa nemusi weChipiri muguta reBulawayo chichipindwa nevanhu vaibva muBulawayo makare, muMidlands, Matabeleland South neMatabeleland North.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti havasi kungotora vanorwira kodzero chete, asi kuti vanoremekedzwa mumatunhu avagere, sezvo vari vanhu vane mazwi anogona kuteererwa kana nevezvematongerwo enyika.

Vanoti chinangwa chechirongwa chavo ichi ndechekuumba musha une runyararo munguva yesarudzo.

VaMachisa vanoti chirongwa ichi vachapindawo nacho mune mamwe matunhu ose emunyika, uye vanotarisira kuti vari kudzidziswa ava vachakwanisawo kupakurira vavagere navo kukosha kwerunyararo munguva dzesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG