Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Working Group Inozeya Zimbabwe Mushure maVaMugabe


Vamwe vevanhu vapinda mumusangano weZimbabwe working Group wekuzeya Pamusoro peZimbabwe Mushure maVaMugabe
Vamwe vevanhu vapinda mumusangano weZimbabwe working Group wekuzeya Pamusoro peZimbabwe Mushure maVaMugabe

Nhengo shanu dzesangano remuAmerica rinoshanda rakazvimirira uye risina divi rarakarerekera, reZimbabwe Working Group, dzakashanyira Zimbabwe mwedzi wapera nechinangwa chekuti dzinoona mamiriro akaita zvinhu mushure mehutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Sangano iri, iro rine nhengo dzaimboshanda muhurumende, vanamuzvinafundo, pamwe nemagweta vane ruzivo nezveZimbabwe, neChitatu dzaita musangano muWashington D.C. wekuzeya zvadzakawana, uye kupawo pfungwa dzadzo pamamiriro akaita zvinhu.

Chikwata chakashanyira Zimbabwe ichi chine nhengo dzinoti vaimbove mumiriri weAmerica kuZimbabwe, VaBruce Wharton, vaimbove mumiriri weAmerica kuKenya, VaMark Bellamy, vaimbove mutevedzeri wemunyori anoona nezveAfrica muAmerica, VaTodd Moss, Amai Michelle Gavin, avo vaimbove mumiriri weAmerica kuBotswana, pamwe naVaAlexander Noyes.

Vachitaura zvavakaona mushure mekushanya kwavo kubva musi wa20 kusvika musi wa 25 Chivabvu, VaBellamy vati vanoshushikana zvikuru nekuparara kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

VaBellamy vatiwo danho remauto mukufambiswa kwehurumende ratokura zvichienzaniswa nenguva yaVaMugabe, uye ndezvimwe zvezvinhu zvinoshusha vanhu.

VaWharton vatiwo kunyange hazvo zvinhu zvakaoma, pane zvimwewo zvinoyemurika zviri kuitika muZimbabwe, zvakaita segwaro idzva revavhoti, iro vati rakanaka kudarika raivepo kubva pawana nyika kuzvitonga kuzere.

Vatiwo chivimbiso chehurumende chekuti munyika muchaitwa sarudzo dzakachena chinhu chinotambirika zvikuru, uye muguta reHarare vanhu vave nekutya kushoma pane zvaimboitika munguva yaVaMugabe, uye vemapato anopikisa vari kukwanisa kutsvaga rutsigiro vakasununguka.

Asi VaWharton vati chinongoshoreka pagadziriro yesarudzo kunonoka kweZimbabwe Electoral commission, ZEC kuburitsa gwaro revavhoti repepa rinoonekwa nevanhu vose.

ZEC yakangoisa gwaro iri padandemutande chete.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chapindawo mumusangano uyu, VaKuda Bhejana, vanoti vafadzwa chose vachiti America ichine pfungwa yekuti idyidzane neZimbabwe kuburikidza nechido chechikwata ichi chekuda kuona mamiriro akaita zvinhu mushure maVaMugabe.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaDaniel Chigwada, vatiwo vafadzwa zvikuru nemusangano uyu, kunyange hazvo paine zvimwe zvinonzi zvichiri kuda kugadziriswa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari gweta, VaAlex Magaisa, ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvapinda mumusangano uyu. VaMagaisa vanoti zvizhinji zvataurwa nenhengo dzechikwata ichi ndezvinhu zvagara zviri kuonekwawo nevakawanda muZimbabwe.

Doctor Magaisa vati ichokwadi kuti pachine zvakawanda zvinoda kuti zvigadziriswe zvakaita semashandiro eZEC, pamwe nekupindira kunonzi kwemauto munyaya dzesarudzo, asi vachiti vafadzwa kuti kupinda kwechikwata ichi munyika kwakaitawo kuti kuvhurire pasi rose mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Chikwata cheZimbabwe Working Group ichi chakasanganawo nevemapato anopikisa, masangano akazvimirira, vedzisvondo, vemabhizimusi, pamwe nevamiriri vehurumende kuti chinzwe maonero avo pakuti nyika ingaita here sarudzo dzakasununguka.

Chikwata ichi chinoti zvachakaunganidza zvichasvitswa kuhurumende yeAmerica, kuchikwata chemutungamiri wenyika VaDonald Trump, pamwe nekudare reSeneti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG