Accessibility links

Breaking News

ZEC Yovimbisa Kugadzirisa Matambudziko Ari Kutadzisa Kufamba kweChirongwa cheBVR


Vanhu vakamirira kuvhota mune chimwe chirongwa cheZEC
Vanhu vakamirira kuvhota mune chimwe chirongwa cheZEC

Boka rinoona nezvesarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, neChitatu rakaita musangano nevamiriri vemapato ane nhengo muparamende anoti Zanu PF, MDC, neMDC-T pamusoro pezvimhingamipinyi zvinonzi zviri kutadzisa vanhu vakawanda kunyoresa kuvhota.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti chikuru chakabuda mumusangano uyu ndechekuti vanhu vari kunyoresa vashoma nekuda kwekudzorwa kuri kuitwa vane vabereki vanonzi ndevekunze kwenyika, pamwewo nenyaya yemagwaro epekugara.

Vanoti sachigaro veZEC Amai Ritsa Makarau, vakatendawo kuti zvinhu zviviri izvozvi ndizvo zvimhingamipinyi zvikuru zviri kudzosera chirongwa chekunyoresa kuvhota kumashure.

Vemapato ezvematongerwo enyika vanoti vari kuda kuti vanonzi vekunze kwenyika ava vakwanise kunyoresa vachingoshandisa magwaro avo ekurekwa kana kuti birth certificates pamwechete nezvitupa zvavo.

VaMwonzora vanoti ZEC inoratidza kuti yakagamuchira zvose izvi, asi yakavimbisa kuti ichadzoka kwavari mumazuva mashoma anotevera.

Vanotiwo vakawirirana neZEC kuti nyanzvi dzavo dzemakombiyuta dzibvumidzwe kuongororarwo dura rekuchengetera mazita evanhu vari kunyoresa kuvhota, kana kuti server.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG