Accessibility links

Breaking News

Zec Yokwirirwa Matare


Amai Rita Makarau
Amai Rita Makarau

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDavid Hofisi, vaendesa kumatare Zimbabwe Electoral Commission, Zec, vachiti haifanirwe kushanda nemapoka ehurumende epakutenga michina ichashandiswa mukunyoresa vanhu kuvhota.

VaHofisi vaita izvi vakamirira mumwe mugari wemuHarare, VaTakudzwa Mavure, pamwe nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vasvitsa magwaro avo echimbi chimbi kudare repamusoro vachipikisa danho rekutorwa kwehurongwa hwekutengwa kwemichina yeBiometric Voter Registration nehurumende kubva kusangano reUNDP.

Vakwirirwa dare ndisachigaro we Zec, Amai Rita Makarau, pamwe neboka rehurumende rinoona nezvekutengwa kwezvinhu re State Procurement Board.

VaHofisi vari kunyunyuta vachiti Zec haifanirwe kusarenda hurongwa hwekutengwa kwemichina iyi kuState Procurement Board, sezvo paine chibvumirano chekuti michina iyi yaizotengwa sei.

VaHofisi vari kuti kuita izvi kuri kunze kwemutemo sezvo Zec risiri boka rine mvumo yekutenga zvinhu, uye vanoti mukubvuma kwayo kuendesa hurongwa uhwu kuhurumende, Zec yakabvuma kumonyororwa ruoko nehurumende, iyo iri kuda kutungamira mukutengwa kwemidziyo iyi.

Studio7 haina kunzwa kudivi reZec, kanawo hurumende panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG