Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, inoti inoona sekunge danho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rekupa basa rekuwanisa nyika michina inoona mazita anenge abuda ruviri pakunyoresa kuvhota kukambani ye Ipsidy Inc, yekuAmerica, rinogona kunonotsa hurongwa hwegadziriro yesarudzo.
Izvi zvinotevera danho rakazotorwawo neimwe kambani yakapiwa kare basa rekuwanisa michina yekunyoresa kuvhota yeBVR, ye Laxton Group Limited yekuChina rekukwira kumatare edzimhosva ichipikisa hurongwa hweZEC hwekutsvaga imwe kambani iyo iripo.
Doctor Dendere, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika pa Amherst College, mudunhu reMassachusetts muAmerica, vanoti danho rekutsvaga imwe kambani iri rinogona kutodhurira ZEC sezvo zvichizogona kudya mari yakawanda kuti kambani itsva iyi itange kushanda.
Vanotiwo dzimwe nguva kutsvagwa kweimwe kambani uku kunogona kunge kuine chekuita nekushandukawo kwehutungamiri muhurumende, vachiti pada hurumende yaivepo ndiyo yaidyidzana nekambani yeLaxto Group, kana kushandisa hukama hwayo nenyika yeChina.
Bepanhau reHerald rinoti ZEC svondo rapera yakapa tender yekuunza munyika michina inokwanisa kuona mazita evanhu vanenge vanyoresa ruviri iyi kukambani ye Ipsidy Inc iri kuNew York kuAmerica, ichiti yaiita izvi nechinangwa chekupeta chirongwa che BVR nenguva kwayo kuitira sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Facebook Forum