Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotanga Kudhinda Magwaro eKuvhotesa Vemapato Anopikisa Vachinyunyuta


ZEC inonzi yatanga kudhinda magwaro ekuvhotesa asi vemapato anopikisa vari kunyunyuta kuti hapana kujeka.
ZEC inonzi yatanga kudhinda magwaro ekuvhotesa asi vemapato anopikisa vari kunyunyuta kuti hapana kujeka.

Zimbabwe Electoral Commission neChishanu yatanga kudhinda mapepa ekuvhotesa kukambani yeReserve Bank, yeFidelity Printers, mamwe mapato ezvematongerwo enyika achiratidza kusagagutsikana nekudhindwa kwemapepa aya.

Vatori venhau varambidzwa kunoona kudhindwa kwemapepa aya uye mamwe mapato ezvematongerwo enyika audza Studio 7 haana kufara nezvange zvichiitika.

Mumwe wevasina kufara nezvange zvichiitika nhasi ndaVaTabani Mlambo vanove Chief Election Agent, waVaElton Mangoma, avo vachakwikwidza sarudzo dzemutungamiriri wenyika vachimirira mubatanidzwa weCoalition of Democrats kana kuti CODE.

VaMlambo vaudza Studio 7 kuti ZEC iri kuita zvainoda nekuti zvavaona handizvo zvavange vakatarisira.

Munyori mukuru mubato reMDC-T inotungamirirwa maMuzvare Thokozani Khupe, VaNickson Nyikadzino, vati kunyange hazvo vafara kuti ZEC yavakoka kuti vazoona kudhindwa kwemapepa ekuvhotesa, vachaongorora mapepa ekuvhotesa avapihwa neZEC kuti vaone kuti hapana chitsotsi chichaitika here.

Vatiwo chimwe chakakosha chavachaita kuongorora kufambiswa kuchaitwa basa rekuvhotesa musi wesarudzo.

Vari kukwikiwdza sarudzo dzemutungamiriri wenyika vakazvimirira, VaBryn Taurai Mteki, vaudza Studio 7 kuti semaonera avo zvinhu zvafamba zvakanaka.

Mumwe komishina weZEC, VaQubani Moyo, avo vange vari kuFidelity Printers, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvafamba zvakanaka kunyange hazvo paine vamwe varatidza kusafara.

Vati vakoka mapato kuti azozvionera kuti mapepa aya haasi kudhindwa kunze kwenyika.

Panyaya yekuti pane mamwe mapato aiti anoda kuchengetedza mapepa aya kubva musi wekudhindwa kusvika musi wekuvhota, VaMoyo vati hakuna zvakadaro zvichaitika.

Mapepa ekuvhotera mutungamiriri wenyika neparamende ari kudhindwa kuFidelity Printers uye ekanzuru achadhindwa nekambani yehurumende yePrinflow.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG