Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Voronga Kupindawo Mumigwagwa neChipiri


Vechidiki veZanu PF vachifora mumigwagwa.

Vechidiki vebato reZanu PF mudunhu reHarare vari kuronga kufora mumigwagwa Chipiri senzira yekutsigira nayo mashoko emutungamiri webato ravo uyezve vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti sarudzo dziitwe murunyararo, uye kuramba mhirizhonga.

Mumiriri weZanu PF kuUnited Kingdom neEurope yose, VaNick Mangwana vanoti vechidiki ava vafunga kutora danho iri mushure mekuona zvinoitika munguva yesarudzo mune dzimwe nzvimbo zvekuti vechidiki ndivo vanonyanyoshandiswa mumhirizhonga.

VaMangwana vanoti nekuda kwekurudziro yemutungamiri wenyika yekuti munyika muitwe sarudzo murunyararo, vechidiki veZanu PF vari kupinda mumigwagwa vachiratidza kuti ivo sebato, havasi kuzoita zvemhirizhonga, zvichireva kuti mamwe mapato ose akatsigirawo kurudziro iyi, munyika muchashaya vachatanga mhirizhonga munguva yesarudzo.

Asi zuva rasarudzwa nevechidiki veZanu PF kuti vafore iri rakatotarwawo kare nevanopikisa veMDC Alliance, avo vari kutarisirwa kupindawo mumigwagwa neChipiri vachifora vachienda kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission nemutungamiri wenyika vachiti vari kunyunyuta nekusavandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti danho revechidiki veZanu PF rekuda kufora musi uyu inzira yekuda kukanganisa kufora kwevanopikisa hurumende.

Asi VaMangwana vanoramba maonero aya vachiti zviri kupindirwa mumigwagwa nemapoka maviri aya zvinhu zvakatosiyana, nekudaro hapana kupikiswa kwezviri kudiwa neveMDC Alliance.

Mamwe masangano ari kukokwa nevechidiki ava kuti abatane navo anosanganisira revadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro reZICOSU, revana vevarwi vehondo yerusununguko, pamwe nerevanamujibha nachimbwido, reZILWACO.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG