Accessibility links

Breaking News

Pove neMaonero Akasiyana paDanho reZanu PF Rekudzinga Vakafumura Huwori


Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangangwa vakaudza musangano wePolitburo yebato ravo kuti vakanga vasingatambire zvakanga zvaitwa nevatatu ava.
Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangangwa vakaudza musangano wePolitburo yebato ravo kuti vakanga vasingatambire zvakanga zvaitwa nevatatu ava.

Danho rakatorwa nebato reZanu PF rekumisa nhengo nhatu dzeboka revechidiki kuve nezvigaro mubato kwemwedzi gumi nemiviri mushure mekufumura howuri, rinonzi nevamwe rinoita serinodzivirira vari kuita huwori richiomesera vanenge vafumura huwori.

Vechidiki vatatu vakamiswa basa ndevaive mutungamiri vevechidiki, VaPupurai Togarepi, mutevedzeri wavo, VaLewis Matutu, pamwe naVaGodfrey Tsenengamu, avo vaive munyori anoona nezvegwara remusangano.

Vachidiki ava vanonzi nebato reZanu PF vakarasa hunhu mushure vekunge vadoma VaKudakwashe Tagwireyi, vanove mukuru weSakunda Holdings, VaBilly Rautenbach veGreen Fuel, pamwe naVaTafadzwa Musarara, vanove sachigaro veGrain Millers Association of Zimbabwe, sevanhu vari kuita huwori hwakanyanya munyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zvakaitwa nebato riri kutonga izvi zvinorisiya pakaipa, sezvo richiita serinopanicha vechidiki vakafumura huwori huri kuitwa nevanhu vanonzi vanodyidzana neZanu PF.

Asi mumwe wevechidiki muZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vaive vatungamiri veboka revechidiki vatatu ava vaikodzera kudzingwa mubato sezvo vakashandisa nzira dziri kunze kwemusangano mukufumura kwavakaita vanamuzvinabhizimusi vatatu vavanoti vari kuita zvehuwori.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG