Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeZanu PF muHarare Dzotarisirwa Kupera neChitatu.


Sachigaro veZanu PF mudunhu reHrare, VaGodwills Masimirembwa
Sachigaro veZanu PF mudunhu reHrare, VaGodwills Masimirembwa

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato reZanu PF muHarare, idzo dzakatanga zvisina kurongeka neSvondo, dzave kutarisirwa kupera neChipiri, uye zvabuda musarudzo idzi mune mamwe matunhu zvisati zvatsinhirwa nebato iri zvinoratidza kuti vari kumirira bato iri kuKambuzuma muNational Assembly pari zvino, VaTinashe Maduza, vakundwa musarudzo idzi.

Sachigaro veZanu PF muHarare, VaGodwills Masimirembwa vanoti kunyange hazvo pakamboita zvinetswa sarudzo idzi dzave kufamba zvakanaka uye dzave kutarisirwa kupera mangwana.

Asi vanoti mune mamwe matunhu kuvhota nekuverengwa kwemavhoti kwapera asi vanoona nezvekurongwa kwemusangano, VaEngelbert Rugeje ndivo vachazivisa zvabuda musarudzo idzi.

Zvabuda musarudzo idzi zvisina kutsinhirwa nevakuru vakuru vebato iri zvinoratidza kuti VaMasimirembwa vakunda kuMabvuku-Tafara, vanomirira Kuwadzana East Amai Betty Kaseke vakakundawo.

Vamwe vanonzi vakunda ndiVaDanny Derera kuMufakose, VaGodfrey Gomwe kuBudiriro, VaTerence Mukupe kuHarare East, VaGilbert Mponda kuWarren Park naDr. Obadiah Moyo kuZengeza East.

Zvichakadai, bato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa razivisa nhengo dzebato iri dzichakwikwidza musarudzo dzemaprimary idzo dzinotarisirwa kuitwa musi wa12 Chivabvu.

Sachigaro webato iri muHarare, VaEric Murayi avo vanomirira Highfield East, ndivo vega vasiri kupinda muma primary.

Vanomirira bato iri kuHarare West Muzvare Jessie Majome vachakwikwidzana naMuzvare Joana Mamombe. KuMufakose Amai Susan Matsunga vachakwikwidzana naAmai Sabina Tiribhoyi.

KuMabvuku-Tafara, VaJames Maridadi vachakwikwidzana naVaJames Chidhakwa, kozoti kuKuwadzana East VaCharlton Hwende, VaStewart Mukoyi naVaUrayayi Mangwiro ndivo vachakwikwidzana.

Vanoona nezvesarudzo muMDC-T mudunhu reHarare, VaIslam Samadosi vaudza Studio 7 kuti vanokurudzira kuti vadomwa ava vataurirane uye kana vakawirirana hapazoitwi sarudzo.

Patavabvunza kuti vachashandisawo mapurisa here pamaprimaries sezvirikuitwa neZanu PF, VaMadosi vati havasi kuzoita izvi sezvo vasina chivimbo nemapurisa.

Zvichabuda musarudzo dzemaprimary eZanu PF zvinotarisirwa kuziviswa neChipiri kana kuti nemusi weChitatu.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG