Nhengo dzeZanu PF dziri pasi pechikwata chiri kuzviti Zanu PF Aggrieved Voters Association dzinoti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzinofanirwa kudzokororwa mumatunhu akawanda kwete gumi akanzi dzidzokororwe.
Sachigaro wechikwata ichi, VaAustin Claudius Chindeka, vanoti kune nzvimbo zhinji dzisina kuitwa sarudzo zvakanaka. Vanotiwo zvichemo zvakabva kune mamwe matunhu, hazvina kusvika kuvakuru vemusangano.
VaChindeka vanotiwo mamwe masachigaro ematunhu akaita zvehuori pamwe nekupiwa mari kuti vati sarudzo dzakaitwa kumatunhu avo dzaive dzakachena. VaChindeka vayambira mutungamiriri weZanuPF, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaongorore zvakasimba vanasachigaro vematunhu mubato iri.
Munyori muchikwata ichi, VaTaurai Kundishaya, vanotiwo vanoda kuti sarudzo dzebato iri dzidzokorerwe pasina vanoshandisa mari nehuori.
VaKundishaya vanotiwo vaimbove varwiri verusununguko vanofanirwa kusimuka mubato iri kuti zvinhu zvifambe negwara kuitira kuti zvido zvemagamba akafira nyika, zvizadziswe.
Chikwata ichi chinoti chinoda kuti sarudzo dzidzokororwe mudunhu rose reMashonaland West, kwete mumatunhu masere sezvakataurwa nevakuru vebato.
Zanu PF yakati sarudzo dzayo dzidzokororwe mumatunhu gumi chete. Hatina kukwanisa kubata murongi wemisangano mubato reZanuPF, VaEngelbert Rugeje, kanawo mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo.
Facebook Forum