Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero Oshushikana neMhirizhonga yeZvematongerwo eNyika


Nhengo yeMDC T yakakuvadzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF muHarare. (Mufananidzo, ZIMRIGHTS)
Nhengo yeMDC T yakakuvadzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF muHarare. (Mufananidzo, ZIMRIGHTS)

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Peace Project neZimbabwe Human Rights Association anoti ari kushoropodza mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika yakaitaika mumisha yeMbare neHighfields pakati penhengo dzeZanu PF neMDC-T mukupera kwesvondo.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti zvinokatyamadza kuti mhirizhonga yakadai inoitika parufu, panotarisirwa kuti vanhu vanenge vachiremekedza mufi.

Izvi zvinotevera kurwiswa kwevanhu vaive parufu rwevamwe amai vakashaya muMbare avo vane mwana wavo anove nhengo yeMDC T.

Vechidiki veZanu PF vanonzi vakaenda parufu apa vakatanga kurwisa vanhu vachipwanya midziyo inosanganisira mafafitera edzimba. Vechidiki veZanu PF vanonziwo neMugovera wakarewo vakarwisa nhengo dzeMDC –T dzaipinda mudzimba dzichitsvaga rutsigiro mumusha weHighfield.

Mugwaro raraburitsawo pamusoro pemhirizhonga iyi, sangano reZimRights rinotiwo rinoshushikana nezviitiko izvi, uye rinokurudzira kuti hurumende ikoshese bumbiro remitemo, iro rinoti kodzero dzevanhu hadzifanirwi kumbunyikidzwa.

Sangano iri rinoti nhengo dzeMDC-T nhanhatu dzinosanganisira murongi wemisangano mudunhu reHighfield, VaProsper Tirivacho, vakakuwadzwa kuburikidza nechiitiko ichi.

ZimRights inoti mhirizhonga iyi iri kuitika masvondo mashomashoma nhengo ndebato reTransform Zimbabwe dzarohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF munguva yavaichenesa musha weChitungwiza.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi, kanawo kunzwa divi remapurisa.

Masangano maviri aya anoti anoshushikana sezvo mhirizhonga iyi iri kuitika pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna 2018.

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG