Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC-T Dzoyambira Nhengo Dzatanga Kutsvaga Rutsigiro


VaMwonzora veMDC-T vanoti bato ravo harisati razivisa nezvehurongwa huchateverwa mukutsvaga vacharimirira musarudzo dza2018
VaMwonzora veMDC-T vanoti bato ravo harisati razivisa nezvehurongwa huchateverwa mukutsvaga vacharimirira musarudzo dza2018

Bato riri kutonga reZanu PF pamwe nerinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ari kuyambira nhengo dzawo dzinonzi dzatotanga gadziriro dzekutsvaga rutsigiro musarudzo dza2018, kuti dzisiyane nehurongwa uhwu achiti haasati aburitsa hwaro hunofanirwa kuteverwa nevachada kuzokwikwidza.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo, vari kuyambira nhengo dzebato ravo dzinonzi dzapinda kugiya rekutsvaga kutsigiro vachiti kuita izvi kutambisa mari nenguva sezvo bato ravo risati razivisa zviga zvinofanirwa kuteverwa nevachada kukwikwidza, kana masarudzirwo achaitwa nhengo dzichamirira bato.

Mukupera kwesvondo munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vakarambidza hutungamiri hwebato mumatunhu hunonzi hwanga hwatotanga hurongwa hwekusarudza nhengo dzichamirira bato musarudzo dza2018.

Mumashoko avo kuhutungamiri uhwu, VaMwonzora vakati sezvo bato ravo risati razivisa nezvehurongwa huchashandiswa mukusarudzwa kwevacharimirira musarudzo, kusarudza vanhu iye zvino hakubvumidzwe uye zviri kunze kwemutemo webato.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti havaone chakaipa pane zviri kuitwa nenhengo dzemapato aya mukutsvaga rutsigiro kwadzo.

Doctor Ruhanya vanoti chinofanirwa kuitwa nemapato achapinda musarudzo ndechekuona kuti sarudzo idzi dzine pundutso here, sezvo vari kupinda musarudzo vasina zvavari kuitira nyika.

"Dambudziko ratinaoro nderekuti ma elections akaita sei ari kuitwa munyika. Kunyanya kune vanhu veMDC nemamwe ma opposition political parties, vanofanirwa kutarira chinhu chikuru kuti isarudzo rudzii, isarudzo dzakaita sei? Kuitira kuti sarudzo dzinoitwa dzive nepundutso kuvanhu," Doctor Ruhanya vanodaro.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG