Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vave kuda Vatungamiri Kwete Vatongi - Nyanzvi dzeZvematongero Enyika


Vamwe vatsigiri veMDC Alliance

Bato rinopikisa reNational Patriotic Front, NPF, riri kukurudzira kuti vanhu vese vavhotera bato reMDC-T rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

Vachitaura mberi kwemhomho yevanhu vakapinda mukufora kwakaitwa nemubatanidzwa weMDC Alliance muHarare neChipiri, mutauriri weNPF, VaJealousy Mawarire, vakati bato ravo rakabva muG40 uye ndiro rakatanga kuti dai vechidiki vachitonga; naizvozvo vari kukuridzira vanhu vese vemuZimbabwe kuti vavhotere VaChamisa musarudzo dziri kuuya.

Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika uye vari gweta, VaBrian Kagoro, vanoti vanhu vemuZimbabwe vachinja maonero netarisiro dzavo uye zvavaimboita mazuva ekutonga kwa VaRobert Mugabe zvakapera.

VaKagoro, avo vari kuKigali, kuRwanda, vanoti sarudzo dzegore rino dzichanakidza kupfuura makore ese sezvo vanhu vave kuda kushandura zvinhu nekutsvaga vanovatungamirira, kwete vanovatonga.

“Sarudzo ino haisi sarudzo yekungoti ndiani watasarudza. Isarudzo yekutsvaka mutungamiri achatibatsira kuti tiyambuke kubva patange tiri kuti nesuwo tikwiririre, tive pamusorosoro,” VaKagoro vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG