Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuparidza shoko reshanduko munyika nhengo dzebato ravo dzichiri kuramba dzichiita izvo vaigaroita munguva yakare.
Vagari ava vanoti nhengo dzebato reZanu PF dzichiri kushungurudza vanhu nezita remusangano, dzichidzinga vanotengesa zvinhu pamusika dzichivachivapomera mhosva yekutsigira bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa uye vachiri kutyisidzira mapurisa kuti vasavasunge kana vapara mhosva.
Mumwe mugari wemuChinhoyi VaKillian Motsi vanoti nhengo dzeZanu PF dziri kupinda munzvimbo dzekutengesera vachitorera vanhu hwahwa, mari nezvinokosha zvakaita senharembozha.
VaMotsi vanoti nhumbi dzebato dzavanenge vakapfeka ndidzo dzinoita kuti vakawanda vavatye.
VaMotsi vanoti izvi zvakatanga kuitika mushure mukunzi bato ravo ndiro rakakunda musarudzo dzemwedzi wapera. VaMotsi vanoti mapurisa hapana zvari kuita sezvo ivo varikutotyawo.
Mumwe mugari Muzvare Rudo Mpofu vanoti nhengo dzebato reZanu PF dzavekufamba dzakapfeka zvipfeko zvebato ravo kuti kana vapara mhosva vasasungwe nemapurisa.
Muzvare Mpofu vanoti vamwe vanhu vave kungopfekawo nhumbi dzebato reZanu PF kuzvidzivirira kuti vasashungurudzwe nevechidiki vebato iri.
Mumwe mugari VaJohn Marava vanoti nhengo dzebato reZanu PF dziri kufamba dzakapfeka nhumbi dzebato ravo kuti vatyiwe kuti kwese kwavanoenda vawane zvinhu maharara.
VaMarava vanoti chimwe chinoratidza kuti pfungwa dzevanhu veZanu PF hadzisati dzashanduka manyorero emapepa nhau ehurumende ayo achine kushoropodza kutsvinyira vamwe vanhu vane mufungo wakasiyana nevakuru vehurumende.
Amai Abigail, avo vaiwongorora sarudzo mubato reMDC-T vakarohwa kuMhangura, vanotiwo mapurisa haasi kuferefeta nyaya yavo nekutya vanhu veZanu PF vakavarova.
Munyori wezvemutemo muZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti bato ravo rinoda kushanda nevanopikisa nekuti vose vana veZimbabwe kusanganisa mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa.
Asi nhengo yeZanu PF yakasarudzwa kumirira Mhangura muparamende Amai Precious Masango vanoti vanhu vari kupomera bato ravo manyepo sezvo vakakunda mapato ose.
Facebook Forum