Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yovimbisa Kuranga Vakabiridzira muSarudzo dzemaPrimary


VaFortune Chasi
VaFortune Chasi

Bato reZanu PF rinoti richatora matanho akaomarara kune nhengo dzebato dzinenge dzazowanikwa dziine mhosva yekuedza kubiridzira musarudzo dzaro dzema primary dzichangobva kuitwa mumatunhu ose emunyika.

Mutewedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaFortune Chasi vanoti kunyange hazvo vasati vawana humbowo hwekuti kune vakaedza kubiridzira sarudzo idzi kunze kwekungoonawo mumapepanhau, ani nani achazowanikwa aine maoko akasviba panyaya iyi achatorerwa matanho anokodzera, anosanganisira kudzingwa mubato kana kurambidzwa kuzokwikwidza zvakare musarudzo dzinotevera.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF, kusanganisira vakadzingwa basa segurukota redunhu reMashonaland West, VaWebster Shamu, dzinonzi dzakawanikwa dziine magwaro ekuvhotesa akatonyorwa kare pamazita avo.

Vamwe vaikwikwidza vari kupomerwawo mhosva yekutenga vanhu nemari pamwe nezvekudya kuti vavhoterwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG