Accessibility links

Breaking News

Madzishe ekuChiredzi Anoramba Kuti Ari Kumanikidza Vanhu Kutsigira Zanu PF


Mamwe madzishe anonzi ari kumanikidza vanhu kutsigira musangano weZanu PF
Mamwe madzishe anonzi ari kumanikidza vanhu kutsigira musangano weZanu PF

Madzishe ekuChiredzi anoti haaite zvekumanimidza vanhu vavo kuti vatsigire musangano unotonga we Zanu PF vachishandisa masimba avo, kunyangwe hazvo mutungamiriri wavo munyika, Ishe Fortune Charumbira vakabuda pachena kuti madzishe achashanda nemusangano unotonga kuti vagari vekumaruwa vautsigire pasarudzo dzichaitwa gore rino.

Mashoko aIshe Charumbira avanonzi vakataura pamusangano wavakaita nemutungamiriri wenyikaVaEmerson Mnangagwa, akashorwa zvikuru nevemapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimiririra, ayo anoti izvi zvinoita kuti sarudzo dzisaitwe pachena.

Madzishe, ayo akapuwa zvikakarara zvemotokari, anopomerwa mhosva yekufadzwa nemidziyo yakadai pamwe nemari yavanopihwa nehurumende kuti vazoshandise masimba avo kumanikidza vagari vemumaruwa kutsigira bato rinotonga.

Asi Vachitaura parutivi pemumwe musangano wemadzishe wakaitwa kuChiredzi pakupera kwesvondo, Ishe Gudo, VaAaron Muramba zita ravo rekuberekwa pamwe na Ishe Tsvovani, VaFelix Mundau vanoti havaite zvematongerwe enyika sezvo basa ravo riri rekuchengetedza tsika dzechivanhu nemagariro akanaka evanhu vavo.

Ishe Gudo vakati Madzishe ekuChiredzi anoita basa rekuyananisa ne kuchengetedza tsika nemagariro epasi chigare pasina kuita zvematongerwe enyika.

"Isu tiri madzishe anomirira hurungamiriri zvevanhu, hatineyi nezvemapato, hutungamiriri hwedu ndehwe pasi chigare hwkuona kuti vanhu vagara zvakanaka here mumatunhu,haitiiti zve politics," Ishe Gudo vanodaro.

Vachitauro ne Studio 7 Ishe Tsvovani vakati kupuwa kwavo motokari nezvimwe zvinhu hazviite kuti vamanikidze vanhu kuita zvavasingadi vachiti mamwe mapato anovapomera mhosva iyi ari kutya kukundwa musarudzo.

"Izvo ndezve vanhu vanenge vachitya kukundwa, vongopomera kuti ndozvavanoita. Mota hadzikatyamadzi, maMP anopuwa mota asi vanhu havatauri nezvavo, ende vanopuwa after every five years, isu first mota takapuwa 2004 kuzopuwa ikezvino asi vanhu zvavakuvaradzwa, hatimanikidzi vanhu kutsigira. Mutungamiriri anenge aripo for that period ndiye watinoteera," Ishe Tsvovani vanowedzera.

Ishe Gudo vanotiwo kana kune vamwe vanomanikidza vagari vekumaruwa kuenda kumisangano yeZanu PF, pamwe nekutora ma serial number ehumbowo hwekunyoresa kuvhota, ivo mudunhu ravo havazviite.

"Hatina munhu watinomanikadza. Hatina mvumo kana nguva yekuita izvozvo. Munhu wese wemuZimbabwe ane kodzero dzake dzekuenda kundovhotera waanoda akasununguka nenguva yake. Hatina kana kamwechete katinodaidza musangano tichiti vanhu vauye ne maslips avo. Iprivacy yemunhu, ndezvake pakudakwake. Zviri kumapato kuti amobiliza vanhu vavo, isu tongoenda as individuals."

Asi vanorwira kodzero dzevanhu, saMuzvare Precious Manyoka, vesangano reMasvingo Youth Forum, vanoti vane humbowo hwekuti vagari vekumaruwa vanomanikidzwa nemadzishe kutsigira Zanu PF izvi zvinoita kuti izokunda musarudzo.

"Machiefs ar ikutonyepa nekuti isu tine humbowo hwekuti madzishe ari kuita basa rekutora ma registration slips evanhu, vonyora ma number . Ndokuita sei ikoko? Titori nazvo tiri kuzviziva. Pane vamwe vatakashanyira vakatiza, vari kutotsigira bato reZanu PF, vachityisidzira vanhu," Muzvare Manyoka vanodaro.

Vemapato anopikisa, vakaita semutungamiri weRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vakatoendesa Ishe Charumbira kudare redzimhosva repamusoro vachivapomera mhosva yekutyora bumbiro remutemo wenyika, iro rinorambidza madzishe kupindira mune zvematongerwe enyika.

VaMangoma, mumapepa avo emudare, vanoti Ishe Charumbira vanorambidzwa nechikamu 280 chebumbiro remutemo kuti vabude pachena vachitsigira Zanu PF, kana kumanikidza vagari vemumaruwa kuita izvi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG