Accessibility links

Breaking News

Ishe Bushu veZanu PF Vokwirirwa Matare Kuti Vasakwikwidze Musarudzo


Mwedzi wapera dare rakawanawo mukuru wemadzishe, Ishe Charumbira vaine mhosva yekukurudzira vanhu kuti vatevere Zanu PF.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights rasvitsa kudare reHigh Court magwaro ekupikisa kudomwa kwaVaBramwell Bushu kuti vamirire bato reZanu PF mudunhu reShamva South musarudzo dzenyika dziri kuitwa musi wa30 Chikunguru gore rino.

Magweta aya, ayo ari kumirira VaLemani Pwanyiwa veMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, ari kuti VaBushu, avo vakafanobata chigaro chaIshe Bushu, vari kutyora chikamu 281 (2) chebumbiro remitemo yenyika, icho chinorambidza madzishe nemasadunhu kuita zvematongerwo enyika kana kuve nhengo yebato rezvematongerwo enyika.

Muzvare Roselyn Hanzi, veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti kurega Ishe Bushu vachimirira bato reZanu PF musarudzo kunokanganisawo magariro akasununguka evanhu vari pasi pavo.

Vanotiwo sezvo dare rekudoma vachakwikwidza kusarudzo riri kugara musi wa 14 Chikumi 2018, nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa nechimbichimbi.

Mumagwaro avo kudare, magweta aya ari kukurudzirawo Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti isatambire magwaro aVaBushu ekuvadoma kuti ndivo vachamirira Zanu PF musarudzo dzekuShamva South.

Vamwe vakwirirwa dare ibato reZanu PF pamwechete nebato reZEC.

Mwedzi wapera, dare repamusoro rakawana mukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira vaine mhosva yekupindira mune zvematongerwo enyika, mushure mekunge Ishe Charumbira vati madzishe ose achatsigira vachamirira Zanu PF musarudzo.

Dare iri rakapa ishe Charumbira mazuva manomwe kuti vaturure mashoko avo aya, uye vatuare kuvanhu kuti mashoko avo asatambirwe neveruzhinji.

Hurukuro naMuzvare Roselyn Hanzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG